Iwewe neni tine basa!

04 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Iwewe neni tine basa!

Kwayedza

HURUMENDE ine hurongwa hwekuti panosvika gore ra2030, upfumi hwenyika hunge hwasimukira zvikuru apo vanhu vakawanda vanenge vave kurarama upenyu hunoyemurika, mabasa achiwanikwa nyore.Izvi hazvingoitike njee asi zvinoda kuzvipira, kushingirira pamwe nekuita muonerapamwe sechuma chemuzukuru kuburikidza nekubatana kwezvizvarwa zveZimbabwe. Pari zvino Hurumende iri mushishi kutora matanho akasimba akananga kuona kuti munyika mave nemabasa.

Semuenzaniso, Hurumende iri kupinza mabasa varairidzi vanosvika 3 000 nechinangwa chekusimudzira chikamu chedzidzo.

Kupinzwa kwevarairidzi ava mabasa idanho rakakosha zvikuru sezvo pari zvino kune mashoko anoti kune mamwe maticha ari kufundisa vana vanodarika 120 mukirasi imwe chete.

Mamiriro ezvinhu akadai anodzosera kumashure budiriro yange yavepo muchikamu chedzidzo. Kana varairidzi 3 000 vakapinzwa basa, zvinorevawo kusimukira kweupfumi hwenyika nekuti vanenge vave kushandira budiriro yeZimbabwe pamwe neyemhuri dzavo.

Kunze kwaizvozvo, Hurumende iri kutsigira zvakasimba mabhindauko akasiyana kana kuti mabasa emawoko nedonzvo rekuti pave nemabasa. Kune zvakawanda zvakare zviri kuitika kune zvimwe zvikamu zveupfumi hwenyika zvakadai sekumigodhi nekugadzirwa kwemigwagwa uko vanhu vari kupinzwa mabasa. Pari zvino mugwagwa weHarare-Beitbridge uri pakati pekuvandudzwa uye wakakosha zvikuru munyaya dzekusimudzira upfumi hweZimbabwe sezvo uri iwo unobatanidza nyika dzakawanda dziri mudunhu reSadc. Zimbabwe neSouth Africa zvine ukama hwakasimba uye pane kutengeserana kukuru kuripo zvichireva kuti kana migwagwa inobatanidza nyika mbiri idzi ikavandudzwa, zvinobatsirawo mukusimudzira mabhizimisi nenyaya dzeupfumi. Kune migodhi ine chitsama iri kuvambwa uko vanhu vari kuwaniswa mabasa zvakare vachiraramisa mhuri dzavo.

KuKanyemba — kumuganho weZimbabwe nenyika dzinoti Zambia neMozambique — basa rekukwezva mabhizimisi nebudiriro rakatotanga. Zvose izvi zvinokudzwa. Kuchikamu chemagetsi kune mabasa makukutu ari kubatwa izvo zvaona mari inoshandiswa neZimbabwe mukutenga magetsi kunze kwenyika ichidzikira kubva pa$48 miriyoni kuenda pa$1,2 miriyoni pamwedzi.  Magetsi anotengwa nemari yekunze zvichireva kuti kana nyika ino yave kukwanisa kuzvimirira, mari iyi inenge yochengetedzwa yoshandiswa mamwe mabasa akakosha mukusimudzira Zimbabwe.

Kusimukira kwechikamu chemagetsi zvinorevawo kuwaniswa kwevanhu mabasa pamwe nebudiriro yeZimbabwe munyaya dzeupfumi.

Pamusoro pezvo, kambani yeZimbabwe Power Company ine hurongwa hwekuvandudza gwenya remagetsi reHwange Power Station nemari inosvika $500 miriyoni. Kuvandudzwa kwegwenya iri kunoitawo kuti nyika iwane magetsi ekushandisa mumaindaisitiri izvowo zvinobatsira kuti vanhu vawane mabasa. Semaonero edu, kana makambani akazvimirira akatevera zviri kuitwa neHurumende nekutora matanho ekuti mabasa avepo, Zimbabwe inosimukira zvikuru uye nekukasika.

Zvinongoda chirwirangwe nemushandirapamwe nekuti rwodzi rwakasungwa katatu harudambuke nhando.

Budiriro yeZimbabwe inoda munhu wose – iwe neni tine basa!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey