Iye munhu haadi kushungurudzwa

15 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

ZIMBABWE kubva musi wa25 Mbudzi kusvika 10 Zvita yakabatana nedzimwe nyika pasi rose mukucherechedza mazuva ekurwisa mhirizhonga kuvanhukadzi — e16 Days of Activism Against Gender-Based Violence.

Mhirizhonga iyi ine mhando dzakasiyana dzinosanganisira kubhinywa, kumanikidzwa bonde kune vakaroorana, kutukwa, kushaiswa pekugara kana kunyimwa chikafu.

Semuenzaniso, svondo rino tine imwe nyaya yekumatare edzimhosva yemurume anonzi ane tsika yekucheka nekubvarura hembe dzemudzimai wake nebanga kana vachinge vanetsana.

Zviri pachena kuti murume uyu ari kuitira mukadzi wake hutsinye sezvo kucheka kwaari kuita hembe idzi nebanga kusina zvakunobatsira mukugadzirisa zvinenge zvichinetsa.

Mudzimai uyu anoti pari zvino haasisina hembe dzekupfeka nekuda kwekatsika kemurume wake aka.

Maitiro akadai haana kunaka zvachose nekuti kushungurudzana kunokanganisa magariro akanaka, angave emhuri kana munharaunda.

Kune vamwe vanhukadzi zvakare vari kushungurudzwa kuburikidza nekubhinywa zvisinei nekuti matare edzimhosva anoranga vanenge vabatwa nemhosva dzakadai.

Chinoshamisa ndechekuti vanhukadzi vari kushungurudzwa zvakare kumachechi uko kunotarisirwa kunge kuchibva mucherechedzo wakanaka. Kune nyaya dzakawanda dziri kubuda mazuva ano dzekubhinywa kuri kuitwa vanhukadzi nemamwe maporofita kana vakuru vemachechi.

Mamwe machechi zvakare anokurudzira kuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera inova mhosva huru pasi pemitemo yenyika ino. Mhirizhonga yerupi rwudzi inokanganisa budiriro yenyika.

Kana pakave nekushungurudzana zvinoita kuti vanenge vachishungurudzwa vatadze kuita chikamu chavo vakasununguka pakubatsira mubudiriro yeZimbabwe. Vamwe vanhukadzi vanoshungurudzwa zvakare nekusave nemasimba munyaya dzakaita semabasa kuti va- zvishandire apo vanenge vachimirira kuriritirwa nevarume.

Izvi zvinoita kuti vasakwanise kuzvimirira zvichipa mukana wekuti vapedzisire vave kutambudzwa.

Zvakakosha kuziva kuti veruzhinji vanofanira kugara vachirwisa mhirizhonga yemudzimba kwete kumirira nguva yemazuva ekucherechedza nyaya dzekushungurudzana.

Tinodaro nekuti nyaya dzemhirizhonga yemudzimba dzinogara dzichiitika mazuva ose. Kune vamwe vari kusvika pakufa kana kuremadzwa nekuda kwemhirizhonga dzerudzi urwu.

Dzimwe nyaya dzerudzi urwu hadzisi kumhan’arwa kumapurisa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana izvo zviri kudzosera shure zvirongwa zvekurwisa mhirizhonga yemudzimba.

Zvakakoshawo kuziva kuti mhirizhonga haizi kuitirwa vanhukadzi chete, sezvo kuine vamwe varume vari kushungurudzwa nevakadzi.

Hurumende iri kutora matanho akasimba ekurwisa mhirizhonga yemudzimba kuburikidza nekudzika mitemo uye nekutsigira zvirongwa zvakananga kuirwisa. Ibasa remunhu wose kurwisa mhirizhonga yemudzimba zvisinei nekuti ndiani anenge aipara.

Share This:

Sponsored Links