‘Izvi zvinoshamisa chokwadi!’

09 Jun, 2014 - 15:06 0 Views
‘Izvi zvinoshamisa chokwadi!’

Kwayedza

SUPA-MANDIWANZRA“IZVI zvinoshamisa,” mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekubuditswa nekukushwa kwemashoko Cde Supa Mandiwanzira vakakanuka vachinzwa kuti Zimbabwe yainge yagovera makondomu evanhurume anosvika 28 miriyoni muchikamu chekutanga chegore rino.

Izvi zvakaziviswa nesangano reNational Aids Council pamusangano wevatungamiri vevanopepeta nhau kuChinhoyi nguva pfupi yadarika.

Chokwadi ichi chishamiso chikuru nekuti tikafunga kuti patinozopendera gore huwandu hwemakondomu anenge ashandiswa hunenge hwasvika papi nekuti gore rakapera kwakashandiswa makondomu anosvika 100 miriyoni
echirume ne5 miriyoni evanhukadzi.

Nyaya huru iri pakuti ari kunoita zvaanenge atorerwa here?

Mubereki wese anotarisira remangwana remwana wake rakanaka, zvimwe chetezvo nehurumende inotarisira hutano hwakanaka kuvanhu.

Nekudaro pakavambwa chirongwa cheAIDS levy inobatirwa mushandi wese akabairwa chitupa kubva pamari yaanotambira paanoshanda ichienda muhomwe imwe chete iyo inozoshandiswa kutenga maARV nekuita zvimwe zvirongwa zvakanangana nekurwisana HIV neAIDS.

Ndiri kufananidza hurumende nemubereki anofara chaizvo kana mwana wake achiverenga mabhuku zvekusvika pakuenda kulibrary kana kuchinjana ruzivo nevamwe kuitira kuti nguva yebvunzo painosvika anenge akagadzirira zvinozoita kuti abudirire muzvidzidzo zvake.

Ndafananidza mubereki nemwana nekuti ndizvo zvimwe chete nehurumende kuvanhu vayo.

Hurumende, mukukurudzira nemukuita zvirongwa zvinoita kuti hutano huwanikwe kumunhu wese, ichishanda nesangano repopulation Services International (PSI) yava kuita kuti makondomu awanikwe  muzvipatara nemakiriniki pachena.

Tarisiro iri pakuti makondomu anenge atorwa munzvimbo dzakasiyana-siyana ange achishandiswa kuitira kusatapurirana zvirwere zvepabonde takanyanya kutarisa vahosi vezvirwere zvepabonde vanova HIV.

Makondomu anowanikwa pachena muzvipatara nemakiriniki uye kune  vasingade kuonekwa vachitora makondomu aya ndivo vanoita ekutenga kubva muzvitoro.

Huwandu hunotengeswa muzvitoro hausi pa28 miriyoni iya yakatorwa mumwaka wekutanga kwegore nekuti hatizivi kuti mangani akatengwa.

Mubvunzo mukuru zvakare ndewekuti kana kuchitorwa makondomu akawanda kudai sei zvirwere zvepabonde zvisiri kupera?

Kusapera kwezvirwere zvepabonde kunoratidza kuti kutora nekushandisa zvinhu zviviri zvakasiyana saka nekusada kuwanikwa munhu ari honzeri yechakaipa anowanikwa akabatawo kana achitorawo makondomu  kuratidza kuva munhu ari kuziva zvaari kuita nyamba ihwenyakwese mimba yebere.

Dunhu reHarare mugore rakapera makawanikwa zvirwere zvepabonde zvitsva zvinoita 13 000 ichiteverwa neMasvingo, Mashonaland West kuchizouyawo Mutare zvichikwikwidzana zvakadaro.

Dunhu rine zvirwere zvishoma zvepabonde  iMatabeleland North.

Muzviitiko zvezvirwere zvepabonde izvi mune vari kuwanikwa vachidzokera kunorapwa zvirwere zvimwe chete
izvozvo zvakare kuratidza kusadzidza.

Izvi zvinobva zvaratidza kuti vamwe vari kutora makondomu ekubata vamwe maziso.

Chakanaka chese chaunoratidza kuita kuruzhinji ngachizadziswe nemabasa.

Tsuro kungwara kungwara zvayo asi haigone kukwira mumuti. Newewo zvingwarire kuti nerimwe remazuva uchawanikwa uri mumutsetse wekurapwa zvirwere zvepabonde asi uri nhungamiri mukutaura zvekurwisana neHIV neAIDS.

 

Share This:

Sponsored Links