Jane ndiye ava kudiwa

21 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 3 (Nyaya yacho: Enderero mberi)

Kutenda kwakadai amwene vasingamboiti kuna Vida nokuti zvaiitwa naVida havazvioni. Mumusha mavaTigere vanhu vava kukwenyana kwaVaChivako vachiti vanokumbira tufodya. Imo mukukumbirana nokupanana tufodya umu, ndimo munobuda guhwa rese rechembere. Mukukurukura kwavo munobuda nyaya yekusabata pamuviri kwaVida, amai vaSimon vachinyepa kuti vakati Simon aroore Jane. Amai pavanotaura zvekuti vainge varambisa kuti Vida agare Harare, amai vaSimon vanoruka zano rokuti kana Jane akaenda kuHarare Vida asiko, kana vakagara vachionana vaizodzamara vatorana chete.

Vanobva varatidza kuti vanofarira Jane kuti ave muroora wavo. Vanobva vati kuna Jane adzoke, vamutaurire kuti vanoda kumuona sezvo vaida kukangirwa tunzungu twavo twedovi.

Kuhuni kwakaenda Jane namai Zipfende namai Mashumba chaingova chikwe-e chete, mai Zipfende vachitanga kunyomba Vida, mai Mashumba vachizvitsinhira. Vanoseka kuchena kunoita Vida zvine kakutsvinya mukati mazvo.

Jane paanoti achazowana murume chaiye waanoti ndewake anopindurwa achinzi irema remunhu, haaoni here kuti amai vaSimon vava kuda iye. Kwava kumukurudzira kuti atore Simon agosvotesa Vida ndokunzi ageze sezvinoitwa naVida.

Kana adaidzwa naamai vaSimon, ngaaende akanyatsochena achiita imba seyake achinyatsoratidza kuti anoda Simon, uyo anozosvika kuti Jane anomuda.

Apo Jane anosvika kumba kwavo, amai vake vanomutaurira kuti amai vaSimon vambenge vari ipapo nguva ichangopfuura, havachadi muroora wavo vachiti vanoda kuti Simon achiroora mwana wavo Jane.

Vainge vasiya varaira kuti Jane azoenda kunovaona agovakangira tunzungu twavo twedovi.

Jane anobuda kwava kuenda kwaamai vaSimon ndokusangana naVida uyo ainge achienda kumba kwaamai Mashumba kunotora chisono chake chavakanga vakumbira. Ndipo apo Jane anotaura mazwi okuti, “Manheru mai va-hesvu! Ndanga ndakanganwa kuti hamuna mwana nhai. Ruregerero chokwadi.” (20)

Mazwi aya anotushura mwoyo vaVida zvokuti anosvika kwaamai Mashumba avo vanozviona kuti akasuwa zvikuru ndokumubvunza kuti chii chamusuwisa.

Vida anomboti hapana asi Mai Mashumba vanoti vari kuzviona. Vida anozovataurira zvainge zvataurwa naJane amai ava ndokutanga kumushoropodza.

Mai Mashumba vanozonzwikazve vava kushoropodza amai vaSimon avo vainge vasisasiyani naJane. Vida anosimuka ava kudzokera kumba ndokuzomubvunza chaainge avinga icho ange atokanganwa. Anopihwa chisono chake ndokubva abuda mwoyo vake wadzikama kwazvo.

Ongororo:

Uhwenyakwese hwaMai Mashumba hunonyatsa kubuda. Mashoropodzero avanoita Jane navamwene vake vanoita kuti Vida aone sevari kudivi rake asi hazvisirizvo. Munyori anozviburitsa nekushandisa tsumo kwaanoita apo anoti, “Hazvina akamboziva kuti ndiri kuburitsa misodzi panzvimbo isiyo.” (21) Zvinobva zvasimbiswa netsumo inoti, “Zino irema Vida, rinosekerera warisingadi.” (21)

Papeji 18 tinoona amai ava vari kushoropodza Vida. Ndipo pavanoshandisa tsumo kusimbisa shoropodzo yavo. Tinonzwa vachiti, “Matende mashava anoipisa hwahwa.” Vanopamhidzirawo shoropodzo yavo apo vanoshandisa sekerambabvu yakapomhodzwa (mild sarcasm) apo vanoti, “Ko, handiti ndezvemudhorobha. Havadi tsvinaka. Mufunge kuti anobva kumunda achibva angosvikonanga kurwizi kunogeza. Zvimwe zvava zvekuvhaira izvi.” (18)

Share This:

Sponsored Links