Japan yakapa $1m yechikafu

04 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE yeJapan yakapa $1 miriyoni kusangano reUnicef neWorld Food Programme yekusimudzira kuwaniswa kwezvekudya pamwe nenyaya dzeutano.

Vachabatsirika pasi pechirongwa ichi vanosanganisira vanotambura vakadai semadzimai nevana.

“Chirongwa ichi chiri kutarisirwa kuti chinge chichibatsira vanhu 129 581 vari mumadistricts 11 ayo akatarisana nenzara uye dambudziko remafashamu muZimbabwe.

“Pamusoro pezvo, chirongwa ichi chichawanisa kudya kunovaka muviri munzvimbo dzakadai seTsholotsho, Mutoko, Cenentary, Mbire neMt Darwin,” vanodaro VaTitus Moetsabi vanova mukushi wemashoko mukuru kusangano reUnicef.

Chichabatsira zvakare Hurumende kuti inge ichizadzikisa zvinangwa zvayo (Sustainable Development Goals), zvikuru sei Goal nhamba 2 iyo ine chinangwa chekurwisa nzara uye Goal nhamba 3 ine donzvo rekuchengetedza utano hwakanaka.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey