Uncategorized

Jasi renhaka rodya vanhu

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Jasi renhaka rodya vanhu

Kwayedza

. . . 20 vakatofa, vamwe vorwara

Abel Zhakata ari kwaMUTARE—

MHURI yekwaZimunya, kwaMutare, yashaya zano rekuita nekuda kwejasi renhaka iro riri kunzi rakonzera kufa kwevanhu 20.

Zviri kunzi vamwe venhuri igere kwaManzununu iyi vanogona kufawo zvichikonzerwa nejasi renhaka rine mhiko iro rakapihwa baba vemhuri iyi nasekuru hanzvadzi yaamai vavo.

Mhuri yekwaChioona svondo rapera yakanopotera kwaMambo Saunyama vachida kuti mambo vamanikidze sekuru vavo vanonzi Mutsiyabako kuti vaparadze jasi iro ravanonzi vakapa kuna baba vavo mushakabvu sechipo.

Sekutaura kwevemhuri iyi, jasi kana kuti bhachi iri rakakumikidzwa mweya wemunhu akafa nekupondwa nasekuru vavo Mutsiyabako.

Vanoti mushure mekunge sekuru vavo ava vatambudzwa nemweya wemunhu wavakaponda, vakaita mhiko dzemishonga vachishandisa jasi iri.

Mutsiyabako anonzi akazotora bhachi iri ndokuripa kuhanzvadzi yake achiti rinopihwa kumurume wake — mukuwasha murume wehanzvadzi — sechipo chaive chabva kuna tezvara.

Chioona anonzi haana kuziva kuti akange achitopihwa jasi raizokonzeresa rufu mumhuri yake.

Mudzimai wake anonziwo haana zvaakafungira paakatambira jasi iri achinoripa kumurume wake.

Muhurukuro apo aive padare raMambo Saunyama, Farikai Chinoona anoti mushure mekunge baba vake vapfeka bhachi iri, vakatanga kurwara zvakanyanyisa ndokubva vafa zvisinganzwisike.

Farikai Chinoona

“Sekuru vedu Mutsiyabako vakapa baba vedu vakashaika jasi raive rakakumikidzwa mweya wemunhu wavakaponda. Pavakapfeka bhachi iri, vakabva varwara ndokufa.

“Izvi zvakaitika mugore ra1998.

‘‘Mushure mekufa kwababa vedu, mweya uyu uri kutitambudza,” anodaro.

“Nyaya iyi yakabuda pachena apo mumwe mwana wangu akabatwa nemweya wababa vedu vakashaya ndokutanga kutaura. Kuburikidza nemweya wakasvika pamwana uyu, baba vedu vakati vakauraiwa nasekuru vedu mushure mekunge vapihwa bhachi iri.

“Mushure mekufumurwa kwenyaya iyi, takauya pano padare ramambo uye takaudzwa kuti tiende kunobvunzira kune imwe n’anga yekuMozambique.

“N’anga yekuMozambique iyi yakatiudza kuti bhachi iri raive rakakumikidzwa mweya wemunhu akauraiwa nasekuru vedu. Inoti apo baba vedu vakangopfeka bhachi iri, vakabva vadzipwa naro.

“N’anga iyi yakaudza sekuru vedu isu tiripo kuti ndivo honzeri yendufu dzose dziri kuitika mumhuri medu. Vakaudzwa kuti vaparadze jasi iri uye vobvisa mweya wakaipa wavakaisa uyu asi vakatanga kunzvenga nzvenga,” anodaro.

Farikai anoti iye zvino sekuru vavo havachadi kuuya kudare raMambo Saunyama.

“Tauya pano kuti tibatsirwe kuti sekuru vedu vauye kudare, dambudziko iri rigadziriswe ripere zvachose sekuudzwa kwatakaitwa kun’anga. Kune vanhu vakawanda vafa nekuda kwebhachi irori.

“Tiri kutaura pamusoro pevanhu vanodarika 20 vakangofa zvisinganzwisisike. Kana iri mhuri yangu, ndafirwa nevana vasere. Amai vedu vari kurwara, havagone kufamba, vanoswera varere. Kutaura kwandiri kuita kuno pamwe nevamwe vana vane chitsama vari panjodzi,” anodaro.

Achibvunzwa kuti amai vavo vaiziva here kuti bhachi ravakapihwa kuti vanopa murume wavo raive nemhiko dzakaipa, Farikai anoti: “Hapana zvavaiziva asi vanoti vakashamiswa kuti bhachi iri rairema zvikuru kudarika zvimwe zvinhu zvavaive vakatakura pazuva iro vakauya naro kuzoripa murume wavo.”

Mambo Saunyama vakaudza mapurisa avo kuti asunge Mutsiyabako, vouya naye kudare kuitira kuti nyaya iyi igadziriswe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey