Uncategorized

Jaya ropfekera dhongi condom

07 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Jaya ropfekera  dhongi condom

Kwayedza

— ‘Hameno chinondigara’
— ‘Mwana andinetsa uyu’

Kingstone Mapupu —
MUKOMANA jaya wekwaMusana, kuBindura anoti haatomboziva chinomugara — zvichida ishavi — zvekusvika pakudanana nedhongi, iro raanopengesana naro murudo, achiita rekupfekera makondomu sezvinonzi imhandara.

TAKUDZWA TANDI

Muchinda wemubhuku rekwaSikero, kwaSadunhu Chikosha uyu anototenga makondomu muzvitoro zviri pedyo nemusha wavo paMusiiwa, ayo aanoshandisa pakushinha nerimwe remadhongi asekeru vake.

Masvondo maviri adarika, jaya iri, Takudzwa Tandi (21) akawanikidzwa mambakwedza — kuma3 dzekunze kwoyedza — achishinha nedhongi iri mudanga, akatopfeka kondomu.

Takudzwa anobvuma kuti anopisa rudo nedhongi, tsika yaanoti haazive kuti chii chinomudariso.

“Ichokwadi, ndakazviita. Ndakabatwa ndichishinha nedhongi rasekuru.

“Kwaive kuma3 dzekuseni, hameno kuti muridzi waro akazviziva sei, ndakazongoona asvika ini ndiri pakati . . .

“Asi zvinotondinetsawo, kuti chii chinondiita kuti ndidaro. Kubva pandakabatwa, ndave kutoenda kuchechi. Pandakawanikidzwa ndaive ndisina kudhakwa, handinwe doro,” Takudzwa anoudza Kwayedza.

Onai vhidhiyo iyi:

Kana amai vaTakudzwa, Mai Evis Motsi (53), vanoti zvinoitwa nemwana wavo mumwe chete bedzi uyu zvatovatenderedza musoro.

“Munoda kuti ndiitewo sei nhai veduwee? Dai zvangu ndisina kuzvara mwana uyu zvaive nani, maiweee kani, amaaai!” vakadaro amai ava vachibongomora kuchema nezwi rainge remunhu afirwa apo vakasvikirwa neKwayedza vari mubindu ravo remuriwo, ndokubvunzwa nezve katsika kemwanakomana wavo kekudanana nedhongi achisiya vasikana. Takudzwa anoti musi waazobatikidzwa achishereketa nedhongi uyu, ainge ashaya musikana wake, uyo waakangodoma saLisa.

Kana dai zvazvo mukomana uyu achiti aka ndekekutanga kuzviita, vari kuziva nezvenyaya iyi vane fungidziro yekuti katsika kake — anogona kunge agara achizviita.

VaSilas Madhudhu Dongo (37), avo vanogara mumusha mumwe chete naTakudzwa, ndivo muridzi wedhongi gadzi iri uye ndivo vakabatikidza muzukuru wavo uyu achiita mashura aya. Takudzwa akagumira chikoro muForm 1 mushure mekushairwa mari.

Musi waazobatikdzwa, anonzi ainge akasunga chipfuyo ichi mbiradzakondo, akaripunzira pasi. Kondomu raakashandisa rakawanikwa nemuridzi wedhongi, zvose neveruzhinji.

Vachitaura neKwayedza, VaDongo vanoti musi uyu vakamuka kunze kwave kuedza apo vaida kupfura zizi raivaitira ruzha richichema mumiti iri pamusha pavo — asi ndokuzosangana nezvakakura kudarika zvavaida.

“Ndakamuka ndiine rekeni ndichida kupfura zizi raitinyaudza. Ndadzinga zizi iri, ndakaenda muchimbuzi ndokubva ndabudamo apo ndakazoona Takudzwa achishereketa nedhongi rangu. Kwaiva nemwedzi izvo zvakaita kuti ndimuzive,” vanodaro. Vanoti Takudzwa akamboedza kutiza apo akaziva kuti abatikidzwa. “Ndakamusikiza nerekeni apo akazozhamba achiti, ‘Sekuru ndiregerereiwo’,” vanodaro VaDongo. Vanoti panzvimbo yaaiva nedhongi iri, vakazowana kondomu raive rashandiswa.

VaDongo vanotizve vakazoenda kunomutsa muvakidzani wavo, VaPartison Chigande, avo vavakazivisa nezvenyaya iyi. “Takaenda tose tikanoona panzvimbo yaiva nedhongi rangu ndokuzonomutsawo vamwe sekuru vemukomana uyu, VaAmos Motsi, avo vakatiudza kuti tiende kuna amai vake,” vanodaro.

Vanoti vakanosvika kuna amai vaTakudzwa vakavazivisa nezvechiitiko ichi ndokuzodarikira kwasabhuku wemusha, VaElias Sikhala.

SADUNHU CHIKOSHA

“Sabhuku vakatiti tiende kwaSadunhu Chikosha, izvo takaita. Sadunhu vakati pamutemo wechivanhu, mukomana uyu aifanirwa kubhadhara mombe yekusvibisa dunhu nemakunakuna asi ndokutiti tipfuurire nenyaya iyi kwaMambo Musana. “Zvisinei, vakazotiti chidzokerai munotaurirana apo takazowirirana kuti andikanyire zvidhinha 15 000 sechirango pakushereketa kwaakaita nedhongi rangu. Takazomunzwira tsitsi ndokumuti achingochera ivhu rekukanya zvidhinha bedzi, iro ndichakanya ndoga,” vanodaro VaDongo.

Vanoti vakanzwira tsitsi Takudzwa nekuda kwaamai vake avo vanorwara uye kumba kwavo vanorarama zvekutamburira. Vanotizve pavakataura nemukomana uyu nezvenyaya iyi, akavaudzwa kuti haazive kuti zvakafamba sei sezvo akazongoerekana ave kuzviita.

“Takudzwa aibva kwaMusiiwa nevamwe vakomana vatatu vemumusha muno apo vakapesana, iye ndipo paakazowana mukana wekunosunga dhongi rangu rinonzi Kamoto ndokuita zvaaida naro.”

VaDongo vanoti pavakatevera mukomana uyu kumba kwavo, akamboda kuramba nyaya iyi asi ndokuzobvuma apo shangu yaaiva akapfeka yakamutengesa.

VaDongo vanoti vakambofunga pfungwa yekuti varamwe dhongi iri voriendesa kumba kwanaTakudzwa se “muroora” weko vozotengerwa rimwe, asi vakaona zvisingaite sezvo vari sekuru kumhuri iyi.

Pakasvikirwa amai vaTakudzwa neKwayedza vari kubindu svondo rapera, vakaridza mhere apo vaibvunzwa nyaya iyi vachiti vatori venhau vaifanirwa kutsvaga iye muchinda uyu mbune.

“Ko ini ndadiiko wamuri kutora mifananidzo? Kuonekwa nyika yose here nenyaya yakadai? Ndiri nherera zvakare ndinorwara, amai kani amaaai! Andinetsa mwana uyu, dai zvangu ndisina kubereka,” vanodaro vachizhamba kuchema.

Vanoti vanhu vemunharaunda mavo vave kuvatsvinyira vachivati vamwene vedhongi.

“Ndiye mwana wangu chete iyeyu handina mumwe. Akakura asina misikanzwa, handizive kuti zvakabva nepi izvi. Ichokwadi kuti akashinha nedhongi rasekuru. Ini ndakasiyana nababa vake vanogara kumusha kwavo kwaMashambanhaka, kwaTandi saka ndini ndinogara naye,” vanodaro apo vainge vamira kuchema.

Takudzwa, uyo wavanoti haanwe doro kana kutora zvimwe zvinodhaka, vanoti havazive kuti chii chamupinda.

“Baba vake VaBigson Tandi ndakavazivisa nezvenyaya iyi vakati ndizvionere,” vanodaro Mai Motsi.

Vanoti havana musikana wake wavanoziva munzvimbo iyi. “Baba vake havadi kumuona, vakambomurova akadzoka aine mavanga kumusana nguva yakadarika,” vanodaro.

Pakashanyirwa dunhu iri, Takudzwa akawanikwa asipo uye paakazoziva kuti aitsvagwa nevatori venhau, akabva anohwanda kubindu kwavo uko akazowanikwa neKwayedza husiku.

“Ichokwadi ndakawanikidzwa ndichiita bonde nedhongi raSekuru Madhudhu, kuma3 kunze kwave kuedza. Ndinongoti mweya yakaipa nekuti handizive zvaiitika kwandiri panguva iyi,” anodaro mukomana uyu.

Anoenderera mberi achiti: “Ichokwadi kuti ndaiva nekondomu randakabva naro kwaMusiiwa uko ndakaritenga. Ndakarara naro dhongi iri ndakaripfeka.”

Takudzwa anoti anopfeka kondomu nekuti anoda kuzvidzivirira kubva kuzvirwere zvepabonde zvingangowanikwa muzvipfuyo zvakaita semadhongi.

“Kondomu ndakaritenga kwaMusiiwa uko ndaida kuona musikana wangu Lisa, uyo ndakashaya,” anodaro.

Takudzwa anoti haasi kukwanisa kufamba akasununguka munharaunda yavo nekuda kwenyadzi uye ane fungidziro yekuti musikana wake ava kuziva nezvenyaya iyi.

“Ndakabhadhara mhosva yangu nekuchera ivhu rezvidhinha kwaSekuru Madhudhu. Asi ndinoda kubatsirwa pamaitiro aya nemaporofita kana n’anga nekuti handizive kuti zvinondifambirawo sei. Kuita semunhu anenge akasvikirwa uye sabhuku naSekuru Madhudhu vakati nyaya iyi yapera.

“Kuna amai vangu, ndinokumbira ruregerero, munhu ava kutorwara nekuda kwenyaya iyi,” anodaro Takudzwa. Sadunhu Chikosha — VaElisha Chidziva (64) — vanoti nyaya iyi yakasvika mudare ravo ndokuti sabhuku wemusha uyu nevanhu vake vapfuurire nayo kwaMambo Musana.

“Ini handibate mhosva dzezvipini nemakunakuna, dzinoenda kwamambo uko ndakati vaende. Kana vakataurirana voga hazviite, mukomana uyu akasvibisa dunhu saka anofanirwa kuripa mombe kwaMambo Musana,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Asi mukomana uyu haanyare. KwaMusiiwa uko ukabhadhara $1 kupfambi unokwanisa kusasana nayo. Shuwa here kupedzera shungu kudhongi? Mwana anyadzisa uyu, iyi inyaya yechipiri muno sezvo yakamboitika kuShamva uko munhu wacho akaripiswa mombe,” vanodaro Sadunhu Chikosha.

Vanoti mukomana uyu anogona kunge akabvira kare achiita izvi. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanoti imhosva munhu kushinha nemhuka, nekudaro nyaya iyi inofanirwa kumhan’arwa kumapurisa, mukomana uyu osungwa kuti aendeswe kumatare edzimhosva.

Madzibaba Steven Mugariri vechechi yeJohane Masowe Zambuko yekuChitungwiza vanoti pane mweya wakaipa wakagara Takudzwa, uyo wavanoti vakazvipira kubatsira pachena.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>