Jehovha havaonererwe!

15 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA
KUNE nyaya iri kutenderera muHarare ichitenderedza misoro yevanhu kunge vhiri rebhasikoro. Asi makuhwa aya haachisiri makuhwa, nekuti vanhu vari munyaya yacho vakazonomhan’ara nyaya iyi.

Nyaya yacho iri kuti pane vamwe vanhu – murume nemukadzi – vari kupomera mumwe muporofita akavaporofita kuti vachatenga kambani yendege. Vanhu ava vanonzi vakazopa muporofita mari yakawanda kuti chiporofita ichi chigone kuzadziswa.

Ini ndikati ko zvakuri kufamba munhu wakaisa makumbo muhomwe chaiko! Zvimwe zviitiko muhupenyu hwedu zvinopwititika sehuni nyoro iri mumoto zvichiburitsa hutsi hunotosvora, kukachidza nekupedza mweya wekufema. Ndiri kuda kumbobuda panze zvishoma ndifeme mhepo isina hutsi. Ndifeme mhepo isingaburitse dzihwa nemisodzi ichinditadzisa kuona. Zvatiri kuita kana kurega kuita sechechi, sevafundisi nemaKristu zvine vari kuzviona. Kune vari kupomera hunhu hwevanhu vari muchechi mhosva. Kune vari kucherechedza zvatiri kuti ndiko kunamata, vozunza misoro yavo kunge mombe yatemwa nyanga nedombo.

Vanhu vane zvavanoziva zvinodiwa naMwari, uye zvinomirira huMwari. Vanhu vari kutsvaga huMwari muzvinhu zvaMwari, asi vari kuona makazara zvinhu nehunhu hwevanhu. Hunhu hwekuita madhiri nezvinhu zvaMwari kwevanhu, kuda kukwana panofanira kunge pachikudzwa Mwari, kushaya rudo kwechechi rwekuudza vasingazive Jesu kuti Jesu anogona kunamatwa usina mari.

Vatendi mumachechi vave macustomer anotenga zvinhu zvinotengeswa nechechi kusanganisira rugare neruponeso. Vanotengeswa zvinhu, asi ivo vari varombo pamweya yavo!

Kune vari kuronga kuti kana vafa, kana vachinge vazomira pamberi paMwari pazuva remibvunzo vagoti, “Kunamata ndaida Mwari, asi maitirwo akanga ave kuitwa chechi akanga asiri iwo.”

Kune vari kutsvaga kuti vachazonozvimiririra pamberi paMwari chirudzii. Vari kuda kuzonoudza Mwari rafu nezvimwe zvinhu zvisingaite zvavakaitwa muchechi. Kune vanhu kunze uko vari kutiza chechi dzinoparidza kupfumiswa nekuti vari kuzviona kuti pfuma haina chainovabatsira kana vachizorasikirwa nemweya yavo. Kune vamwe vane rombo rekuzopepuka, asi vazhinji vadyiwa nemaporofita uye vapera sechingwa.

Variko vanhu vane hasha nekuda kwezvavakaitirwa nevamwe vanhu vaiti vanonamata. Asika, kana vanhu vakaita zvakaipa, havasi ivo shoko raMwari.

Nhamo yedu mazuva ano ndeyekuti tave nenungo dzekuita hukama nehushamwari naMwari. Tave kuzvidzosera kunguva dzakare Jesu asati auya – tave kuda mapristi anoenda nezvichemo zvedu nemhosva dzedu kuna Mwari.

Mwari havana kuti vachatipa vanhu vanotibatsira, asi vakati vachatipa Mweya Mutsvene, Mweya Munyaradzi anotibatsira, uye asingabhadharwe.

Kuvimbiswa mari zhinji uchikwidzwa ndege yemashanga nemuporofita hakunei naMwari. Minana hakusi kuziva Mwari. Kushandirwa hakusi kunamata. Kuchena kwefashoni isina kuchena kwemwoyo hakuna maturo. Mwari havatarise chimiro chemunhu, mota yake, ganda rake, kwaanogara, zvaanodya, foni yake nezvimwe zvatinotarisa isu vanhu. Mwari vanotsvaga nekutarisa mwoyo.

Asi kana mufundisi, muporofita, gosa, mudhikoni, elder nevamwe vatendi vakaita zvinhu zvakaipa zvinoita kuti zita raMwari ritukwe nekusvibiswa, uyewo nekuitisa kuti chechi ive bako remakororo – isu ngatisakanganwa kuti Shoko raMwari harishanduke, harinyepe, haribe, hariite hupombwe, harinyengere, harigodore kana kuonererwa sezvinoita vanhu.

Saka zvakakosha kuti tisiyanise zvinhu zvevanhu nezvinhu zvaMwari. Jehovha Mwari vakanga varipo pakutanga – havaonererwe nekuti vagere pachigaro chehushe. Uye pachigaro ichocho chavakagara havana kuvhoterwa kana kugadzwa nemunhu. Nyangwe panofa madzimambo enyika, Mwari vanongoramba varipo pachigaro chavo. Nyangwe chiporofita chevanhu chikanyepa, Mwari vanongoramba vari Mwari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>