Jeptoo ofemeswa moto

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
Jeptoo ofemeswa moto

Kwayedza

SHASHA yemujaho wekumhanya wemarathon, Rita Jeptoo, akabatwa pamuchina wekuvheneka zvinodhaka muropa revatambi kuti ange ari kunwa mushonga unodhaka uyo usingabvumidzwe kushandiswa.

Chizvarwa chekuKenya, Jeptoo, akavhenekwa ndokubatwa pamuchina kuti mushonga waaishandisa pakugwinyisa muviri wake hautenderwi.

Sangano reInternational Association of Athletics Federations (IAAF) rakaudza reAthletics Kenya kuti muropa maJeptoo mainge mawanikwa mushonga usingatenderwi kushandiswa nevatambi.

Mashoko akabva kusangano reAthletics Kenya akaratidza kuti vainge vavheneka shasha iyi ndokuona kuti zvechokwadi aishandisa mushonga usingabvumidzwe.

Zvakadaro, vatambi vanokwana 36 – kubva kunyika dzakasiyana – kusvika parizvino vabatwa nemhosva imwe cheteyo yekushandisa mishonga isingatenderwe pamakore maviri adarika.

Moses Kiptanui, uyo anova chazezeza pamujaho wekumhanya uye munhoroondo yezvemitambo kuKenya, akadura kuti vamwe vatambi venyika yake vaishandisa mishonga isingatenderwi.

Shasha dzemujaho wemarathon dzekuKenya – Wilson Loyanae Erupe pamwe naNixon Kiplagat Cherutich – vakavhenekwa vakabatwa nemhosva yakadai zvakare gore rakapera muna Kukadzi uye vakambomiswa kupinda mune zvemitambo kwemakore maviri nesangano reAthletics Kenya.

Sangano iri rakati vanoona nezveutano pamwe nevanoongorora kuti vatambi havana zvinodhaka muropa ravo here vachasangana naJeptoo vomupa mukana wekuongororwa zvakare kana achida sezvo iri kodzero yake.

Jeptoo ishangwiti yemujaho wemarathon uye akambohwina makwishu akadai seBoston pamwe neChicago Marathon kaviri.

Akadadisa zvakare kumakwikwi eStockholm, Paris, Milan pamwe neLisbon Marathon. — BBC Sport News

Share This:

Sponsored Links