Kabhichi inyama pachayo

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Kabhichi inyama pachayo KABHICHI RAKABIKWA

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KABHICHI muriwo une utano uye unonaka zvikuru zvekuti munhu anogona kuzviruma rurimi kana ukabikwa zvine hunyanzvi.

Svondo rino Amai Melania Hasani vekwaChilonga, kuChiredzi vanotsanangura mabikirwo emuriwo uyu.

Zvinodiwa:

Kabhichi, matomatisi, hanyanisi, mafuta, munyu negodzamuto.

Mabikiro:

Cheka kabhichi muzvidimbu zvidiki.

Chekacheka zvakare matomatisi nehanyanisi padivi.

Geza kabhichi rawacheka nemvura yakachena.

Kanga hanyanisi wokanda pamwe chete matomatisi nemunyu wakaringana.

Chikanda kabhichi wosiya zvichiibva. Kana raibva, rinoonekwa nekupfava.

Isa chipunu chemafuta wokanga, wozoisa godzamuto shomanana. Siya zvichikwata kwemaminitsi mashanu.

Kana zvadai, chibura udye nemhuri.

Kabhichi rinodyiwa nesadza jena, remhunga, remapfunde kana rezviyo.

Vamwe vanoridya nemupunga kana kuriisa pachingwa.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey