Kambani yoshanda nevechidiki vezanu-pf mukurima

26 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

ZVAKAKOSHA kuti varimi vagare vaine hurongwa hwakwasimba hwekuti vabatsirikane kana vasangana nenjodzi mubasa ravo zvakaita sekurasikirwa nezvirimwa kuburikidza nekuparadzwa nemvura ine chimvuramabwe kana nemoto.

Chishuwo ichi chekuti varimi vawane pundutso ndicho chakaita kuti kambani yeLASCH Enterprises (Pvt) Ltd ibatane neZANU-PF Youth League nedonzvo rekuvandudza mabasa ekurima munyika kuburikidza nekupanga mazano. Murimi akangwara anofanira kuve neruzivo rwezvimhingamipinyi zvaanogona kusangana nazvo pamwe nezvingaitwa mukuzvigadzirisa.

Idambudziko guru kana murimi akangotanga bhindauko rekurima pasina hurongwa hwakanyatsojeka. Hurongwa uhu hunosanganisira kuve namainishuwarenzi ezvivakwa, zvirimwa, zvipfuyo pamwe nemichina inoshandiswa mubasa rekurima.

Izvi zvinoita kuti murimi aite basa rake zvine pundutso achishandawo akasununguka.

Zvekushandisa mukurima zvakaita sefetereza nembeu zvinofanira kuve panzvimbo nguva ichiripo. Zvakakoshawo zvakare kuti zvirimwa zviendeswe kumusika kunotengeswa nenguva sezvo murimi anogona kurasikirwa negoho.

Murimi anosungirwa kuve nehukama hwakanaka nevamwe varimi vemunharaunda vachipanana mazano ekusimudzirana mubasa ravo.

 

Share This:

Sponsored Links