Kambani yosimudzira varimi vembambaira

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views
Kambani yosimudzira varimi vembambaira

Kwayedza

VARIMI vembambaira avo vaimboshaya kwekutengesera zvirimwa zvavo votarisirwa kuwana pundutso zvichitevera chirongwa chakatangwa neimwe kambani chekugadzira zvinhu zvakasiyana-siyana kubva muchirimwa ichi.

Knowledge Transfer Africa (PVT) Ltd kana kuti eMkambo, ikambani itsva yaunza ruzivo rwakadzama rwekugadzira zvinhu kubva mumbambaira.

Iyi imwe yemakambani mazhinji akawana mukana wekuratidzira zvinhu zvawo kushoo yevarimi yeHarare Agricultural Show.

Mukuru wekambani iyi,  VaCharles Dhewa, vanoti tarisiro yavo ndeyekuti varimi vawane pundutso kuburikidza nekurima mbambaira.

“Hatisi kudzokera kumashure nenyaya yekutsigira varimi nekudaro donzvo redu tinoda kuti mbambaira igume yave kurimwa kudarika zvimwe zvirimwa,” vakadaro VaDhewa.

Mushandi anoona nezvekudyidzana neruzhinji nekutengeserana kukambani iyi, Muzvare Zvifadzo Lubombo, vanoti vari kugadzira zvinhu kubva mumbambaira zvinosanganisira doro, chingwa, mabhanzi, mabiscuits, flour nemahewu.

“Sekambani iri kutanga tiri kutaura nevarimi muimba inoratidzirwa zvirimwa kuno kushoo yeJulius Nyerere Hall.

Shoko redu riri kutambirwa nevazhinji tichivazivisa kuti hadzisiri mbambaira dzekungobika kumusha nekwatinogara tichinwisa svutugadzike, tiri kuti mbambaira dziya dzavandudzwa mave kutobuda doro rinodhaka vanhu, chingwa nezvimwe zvakawanda,” vakadaro Muzvare Lubombo.

“Tinotenga mbambaira yakawanda zvikuru panguva imwe chete toendesa kukambani yedu iri kuMbare uko kune michina yemazuva ano yatinoshandisa. Tinomeny’a mbambaira iyi toomesa, toigaya kuita upfu tozogadzira zvose zvatinoda,” vakadaro.

Vanoti vakatoita chibvumirano nevamwe varimi vekuGokwe avo vachange vachivarimira mbambaira iyi.

Muzvare Lubombo vanoti kambani yavo ine mahofisi kunzvimbo dzakatsaukana dzenyika nechinangwa chekusimudzira basa ravo.

Zvakadaro, mumwe wevashandi vekambani iyi, Tariro Winnet Mukunza uyo anoona nezvetsvakurudzo, anoti ongororo yavakaita inotaridza kuti mumbambaira munofanirwa kubuda zvigadzirwa zvinokwana gumi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey