Uncategorized

KAMWANA (13) MIMBA TUGU!

25 May, 2018 - 00:05 0 Views
KAMWANA (13) MIMBA TUGU!

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KWAMAMBO Chinamhora, kuDomboshava, kune mwana ane makore 14 ekuzvarwa uyo anopisa tsitsi – anoita seachaputika dumbu nekukurisa kwaraita mushure mekunge apihwa pamuviri gore rapera aine makore 13, murume wekupara mhosva iyi ndokumutiza.

Nechikonzero chekuti mwana uyu haana chaati oziva, anongoti, “Murume wangu ndinomuda.”

Mwana uyu – uyo watichangodoma saTsitsi – ane pamuviri pasvitsa mwedzi mipfumbamwe uye pava kuda kutozvarwa. Anoti akapihwa mimba iyi naHappison Musika (20) uyo anogara nevabereki vake kuOverspill, kuEpworth, muHarare.

Pasi pemutemo wenyika yeZimbabwe, imhosva kupinda pabonde kana kuroodza munhu ari pasi pemakore 18 okuberekwa uye nyaya dzakadai dzinotongwa sechibharo kumatare edzimhosva.

Achirondedzera nyaya iyi – chiso chake chakaputirwa nehupwere – Tsitsi anoti aigara nababa vake, avo vaanoti vakarambana naamai vake.

“Takadanana nemukomana uyu apo baba vangu vairoja pamba pevabereki vake. Ini ndairara nehanzvadzi dzake, aindipa mari yekunodya kuchikoro gore rakapera pandaiita Grade 6 paChinamano Primary.

“Ndakazotadza kuenderera mberi nechikoro nekuda kwepamuviri apa, pakabata gore rakapera 2017 ndiine makore 13 okuzvarwa,” anorondedzera Tsitsi.

Verenga Nyaya iyi:
‘Hatidi varume vakadai, sungai munhu’

Tsitsi anoenderera mberi – kana kutombonyara kufugura dumbu rake – achiti, “Izvozvi ndinoudzwa kuti pamuviri apa patokwana nguva yapo, apa mukomana wacho akandipa pamuviri akatiza. Baba naamai vake ndivo vanouya vachindiona vakatenga mbatya dzemwana achazvarwa.

“Mukomana uyu ndinomuda semurume wangu nekuti vabereki vake vose vanoti vanondida.

“Happison aindipa mari yekunodya kuchikoro.

“Nezvakazoitika izvi, ndakazosiya chikoro ndingadai ndave kuita Grade 7. Iye handizive kwaakaenda, asi kana adzoka ndichanzwa zvaanotaura.”

Pamuviri pemwana uyu pakanyoreswa pachena kukiriniki yekuDomboshava Training Centre apo panonzi pave kutarisirwa kusunungukwa sezvo nguva yapo yakwana.

“Amai vemukomana wangu vanonzi Maggie Chitini, baba vake ndiAdmire Musika, vose vanoti vanondida semuroora wavo. Vanoti vachazobvisa mari (yeroora) nekufamba kwenguva asi iye zvino vanoda kuti ndimbotanga ndasununguka,” anodaro Tsitsi.

Juliet (34), vanova tete vemwana uyu, vanoti mukomana wekumitisa kamwana aka kana vabereki vake havana kumboroora uye dzimwe nguva vari kutya mhosva yekuti akamitisa pwere.

“Takagara pasi nevabereki vemukomana uyu sezvo iye akatiza ndokubva vati vachada kubhadharira mwana achazvarwa mendenenzi kusvikira akura. Inyaya inorwadza nekuti uyu ndiye mwana musikana wabhudhi vangu oga,” vanodaro tete ava.

Vanoti ndivo vaigara naTsitsi apo baba naamai vake vakarambana.

“Pekutanga, takataura nemukomana uyu akabvuma kuti nhumbu ndeyake ndokuvimbisa kuzochengeta musikana uyu nepamuviri pacho. Asi akazongotiza ndokuenda kusina anoziva.

“Dambudziko remwana uyu kukura asina amai vake, apo baba vacho vakambotora mumwe mudzimai vakasiyana naye zvakare, ndokusara vave kugara nemwanasikana uyu vachingova vaviri chete pamba pevanhu. Ndizvo zvakazoita kuti Tsitsi akanganiswe,” vanodaro.

Zvichakadai, baba vemwana uyu vanonzi vari kuti hakuna chimwe chavanoda kunzwa kunze kwekuti mutemo utore gwara rawo panyaya iyi.

“Hanzvadzi yangu hakuna chimwe chaanoda kunzwa nezvacho kana kutaurirwa, ari kungoti mutemo ngautore gwara rawo,” vanodaro tete Juliet.

Ambuya vaTsitsi – avo vachangodomwa saMbuya Marita (87) – vanoti vave kungotarisira kuti muzukuru wavo asununguke zvakanaka, vochengeta amai nemwana wavo – vachingoziva kuti vose vana.

“Vabereki vemukomana uyu vakatenga mbatya dzekugadzirira mwana achazvarwa nezvimwe zvinodiwa, hapasisina zvatichazviita tongotambira zviripo.

“Hamheno kuti vacharamba vachichengeta here kasvava naamai vako kana asununguka kana kuti kuvharwa kumeso kwatiri kuitwa,” vanodaro Mbuya Marita.

VaMusika, avo vanova baba vaHappison, vanoti vanoziva kuti imhosva yakaparwa nemwanakomana wavo.

“Mhosva yakaitwa tinozviziva. Asika, vana saka hapana zvatingazviite, tongomirira kufamba kwemutemo. Dai kwaiva kumusha kwangu kwandinobva kwaGutu, ndaingotambira semuroora, zvino pane mutemo apa. Mukomana uyu akatiza, isu hatizive kwaakaenda uye hapana chaakatakura. Dzimwe nguva akafa, hamheno,” vanodaro VaMusika. Amai vaHappison havana kukwanisa kutaurwa navo.

. Tiudzei zvamunofunga panyaya ino pa: 0714 200 007.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey