Kana malevels ari low low

22 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA
SVONDO rino takapemberera rusununguko rwenyika yedu, makore 36 ekuzvitonga. Ndakafara nemashoko aPresident Mugabe pamhemberero dzerusununguko pavakati, “Nhasi uno patiri kupemberera makore 36 erusununguko rwedu, ngatizvipirei patsva kuti tishandire Zimbabwe nguva dzose, tirambe tichivavarira kuve nerunyararo, ruremekedzo, kugarisana nekubatsirana.

“Tisanete kushandira kubatana nebudiriro yenyika yedu Zimbabwe. Chinhu chimwe chete chakakoshesesa chatingaitire Zimbabwe kusema huori, torega kusarudzana zvichienderana nekuti munhu anobva kupi kana kuti haasi wekwako. Ngatirambe tichirangarira kuti tiri vanhu vamwe chete vanobatanidzwa nerusununguko rwenyika yedu.”

Mashoko aPresident Mugabe ekuti, “Ngatizvipirei patsva kuti tishandire Zimbabwe nguva dzose,” mashoko akakosha muupenyu hwevanhu vese. Inguva zhinji dzatinopedzisira tajaira zvinhu zvakaneta, zvisingape shungu. Ndipo paye panonzi nevechidiki “malevels ari low low.”

Asika, kana tikaramba tichizvipira patsva, tinenge tichiramba kukurirwa, kuneta nekutya. Ini ndinotya kuti pakati pedu pane vanhu vave kuita sekuti hapasisina chikonzero chekuzvipira patsva nyangwe muwanano, mubasa, kugeza kana kudzidzisa vana tsika nehunhu hwakanaka.

Nhoroondo yerusununguko rwedu inondifungisa nyaya yaMwari nevanhu vake. Hondo yerusununguko ine vanhu vakashevedzwa nayo, vakanorwa, vamwe vakafa, vamwe vakaremadzwa.

Moses muBhaibheri akashevedzwa naMwari kuti aende kuhondo naFaro, hondo yekuti asunungure vanhu vaMwari, naiyewo asununguke. Moses paakaona gwenzi richibvira, akaswedera pedyo achida kuona kuti chaive chii chaiita kuti gwenzi ribvire, asi risingatsve. Paakanga atsauka, Mwari vakati, “Moses, Moses!” Moses, akati, “Ndiri pano hangu.”

Kazhinji Mwari vanotaurawo nesu, asi nekuti tiri kurarama munyika izere bling nekutandanisana nezvinhu kunge huku dzanhonga gonye, Mwari hativanzwe. Mhinduro yaMoses kuna Mwari inoratidza kuti akanga akagadzirira. Kugadzirira kunoreva kuti unenge uine hukama naMwari, zvakarewo uchiziva kuti iwe ndiwe ani.

Asi kana tikatarisa muZimbabwe nhasi, nguva yedu zhinji ndeyekuudza Mwari kwatinoda kuenda, kwete kubvunza Mwari kwavanoda kuti tiende. Tatove vanhu vari kupinza vamwe vanhu basa rekuti vapote vachitiporofita kuti tichazovei.

Asika, munhu akagadzirira zvaMwari pamwe chete nebasa raMwari haasi uyo anomhanya kumberi kwaMwari. MuZimbabwe tave vanhu vanotsvaga Mwari kwete nekuti Mwari ndiMwari, asi nekuti tiri kuda kuti tiwane zvimwe zvinhu zvinoshamisa zvekuti nesuwo tizoshamisira.

Asi kana dai Mwari vaingoerekana vakuvinga sezvavakaita Moses, waizovati “Ndiri pano” here? Waizoita kuda kwavo here? Waizofanana naAbraham here akanzi naMwari “Ibva munyika yako, nekuhama dzako, nekumba yababa vako, uende kunyika yandichakuratidza . . .”

Kana tikagogodzerwa neshamwari kuti pane dhiri rine mazakwatira emari pakati pehusiku tinomuka nekukurumidza. Asi kana Mwari vakati ndiri kutsvaga anondinamata hatidi.

Kuda Mwari kunobva pakuita chero chinhu chipi chavanenge vati tiite. Zvinoreva kuti basa redu, mari yedu, mhuri dzedu nezvimwe zvese zvinenge zvisisina basa. Vanhu vedu vakaenda kunosunungura nyika vakasiya zvese – vakasiya baba namai, vakasiya mhuri nemabasa nekuti vaida kuti pave neupenyu hwakasiyana.

Nesuwo ngatigadzirire kushanyirwa naMwari chero nguva. Munhu akagadzirira haamirire kuti agadzirire nekuti anogara akagadzirira. Usapedze nguva uchigadzirira kana Mwari vachinge vakushevedza. Kana nanhasi uno makwenzi ari kubvira akawanda, asi uri kumira here kuti unzwe kuti Mwari vari kuti kudii?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>