Uncategorized

Kana usisatye zvinotyisa, newewo wave kutyisa

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa

NGATITI uri kufamba zvako uchitarisa kuti munda wako wenzungu wakasakurika zvakanaka here. Uchifamba kudaro wobva waona nyoka munzungu, zvekuti unorohwa nehana wosvetukira kumashure kuti utize.

Asi nyoka iye yobva yasimudza musoro, yoshama muromo wayo ichiti, “Usatize, ndiri kuda kutaura newe kuti nzungu dzako dzikupe goho guru.”

Kana zvinhu izvi zvisiri kuitika kuhope kana mungano, anenge ave mashura anenge emombe iri kufura matombo.

Inguva zhinji, uye kunyanya munguva dzino dzatave kungoita zvinhu nekuti vamwe vari kuzviitawo. Gundamusaira mbudzi iri muhwayi.

Asika, Biggie Tembo akati Jekanyika usangotevera nevakananga mudondo. Asi chatisingazive ndechekuti kana uri datya ukada kufamba senyoka unotyoka. Vazhinji vedu tiri kujoinha chechi dzerima mazuva ese. Tiri kutevedzera nekushandiswa nemweya yerima isu tichifunga kuti ndiko kufambirana nenguva.

Tiri kufarira fashoni, netsika, nemafungiro, nemaitiro evamwe vanhu asi isu tisingazive kuti sei vachiita zvavanoita.

Asi mweya yetsvina, kana kuti madhimoni haambopinda mumunhu zveginya kana nehasha. Mweya yetsvina inotarisisa nekudzidza vanhu, inoziva zvaunofarira nezvinokushaisa hope.

Mweya yetsvina ine mhuno dzinonzwa hwema hwemikana inouya nekuda kwako hupombwe. Kana mweya yetsvina yaziva kusasimba kwako, inoshandisa kusasimba ikoko kuvhura misuwo yehupenyu hwako yotanga kukuitisa, kukushandisa ichikuparadza.

Asi nekuda kwekuti iwe ndiwe uri kuparara, unenge uchifunga kuti uri kubudirira nekuti uri kuita zvinoitwa nevamwe vawakaona paTV, pavhidhiyo kana kubasa.

Chinotyisa pamweya yetsvina ndechekuti inokupinda ichishandisa zvinhu zvemazuva ese kana kuti zviri kuitwa nevamwe vese. Zvinhu zvinoshandiswa nemweya yetsvina zvinoita sekuti hazvina chakaipa. Ipapo ndipo pane simba raSatani, anonyengera.

Saka iwe uchafunga kuti munhu waunoziva ishamwari yako, asi hushamwari hwepamusika kana hwepaWhatsApp hwakafanana nesipo iri mumvura. Hunotsvedza, uye hunopera.

Unogona kupinda mune imwe nzvimbo uchifunga kuti ichechi, asi uchitozvipinza mukofini. Hazvisi zvese zvinhu zvatingati zvine chiyedza. Zvekudya chaizvo zvinogona kukuzipira ukanazva zvigunwe, asi wapedza kudya wotozoona kuti wazadzisa hukama hwako nerima.

Dziriko hembe dzekuti ukaona munhu akaipfeka uchatorwa mwoyo. Vamwe vasingazeze ndivo vanobva vatokumbira vamwe kana mafuta ekuzora chaiwo kana mhete dzemunzeve. Asi chatisingazive ndechekuti kudyidzana imhando yesungano kana chibvumirano.

Pasina izvozvo, uchafarira kuzora mafuta akasanganiswa nezvinhu zvausingazive, kana kuti uchapfekedzwa hembe kana mhete yakapirwa kumweya yerima. Kana waipfeka, newewo unobva wave werima.

Mweya yerima inoda kukukanganisa ichishandisa zvinhu zvaunoziva, zvawakajairira.

Satani akada kutadzisa Jesu kuzadzisa basa raakanga auya kuzoita panyika kubudikidza nekupfeka mudzidzi aive pedyo kwazvo naJesu.

Tinotozoziva kuti Satani apinda muna Peter paye Jesu paanoti “Satani ibva kwandiri . . .”

Asi munhu aitaurwa naye akanga asiri Peter, asi mweya werima wakanga wapinda muna Peter.

Zvakakosha kuti tichenjerere humwe hukama nehushamwari. Handisi kuti musaite hama kana kuita hushamwari, asi ngatichenjerere zvipo zvisina tsananguro. Ngatichenjerere zvinhu zvatinopa nzvimbo muhupenyu hwedu.

Satani haapinde mumunhu achibva asvikoti pweshe. Kana ukaona usisatye zvinotyisa, uchenjere kuti newewo unenge wave chinhu chinotyisa.

Munin’ina wangu Marlvin Jenami akati, “Angova masvikumbwandara nokuti nhunzi dzava kunzi dzobika huchi. Hunhu hwarohwa nomupeta nokuti madhimoni vava maDeacon.

“Maoko ane dope owacha manapukeni kuchena kuti mbee.”

Share This:

Sponsored Links