Kana wivhi yave kuvava

24 Jul, 2014 - 09:07 0 Views
Kana wivhi yave kuvava

Kwayedza

ZVIMWE zvinhu zvinoshaisa vanhu hope zvinoshamisa. Pane murume akadzendemura zimba rinotyisa muHarare umu, asi nhamo iripo ndeyekuti zimba iri rakafanana nehotera raramba kupera. Zimba raramba kupera, apa iye muridzi waro apera, mari haasisina. Saka chinhu chega chaave kupota achiita kuenda kunoona imba yake isina kupera iyi. Kutopota achinoona imba sekunonzi ari kufambira murwere ari muchipatara.

Yamushaisa hope nerugare imba iyoyo. Asi kana mukamunzwa achitaura nezvemba yake, unogona kufunga kuti hakuna zvakare imwe imba yakanaka uye ine tunzvimbo twunoshamisira mukati mayo seyake. Asika, haisati yapera kuvakwa, kana denga chairo haina!

Ndiyo nhamo yedu vanhu mazuva ano. Hatichagadzira mifananidzo yezvidhori tobva tazvinamata tichiti ndivo ana mwari vedu. Mwari wedu watave kunamata ndiye anonzi, “inini, ndini, ndionei, nditaurei, ndityei, ndizivei mugondinyora mumapepanhau.”

Nyaya yedu chaiyo yatishaisa hope nerugare kuda zvinhu. Kuzviunganidzira izvo nezvozvo, uko nekoko. Izvozvo ndizvo zvinotipa kuti tipinde kana muchikwereti chekutenga mota isu tichiroja. Ndizvo zvinotipa kuti tivake mazidzimba anenge machechi, kuitira kuti tizadze zvinhu zvatinoramba tichitsvaga nekuunganidza.

Unoona imba imwe chete iine maTV mashanu, mafiriji matatu, dzimba dzekutandarira nhatu, zvimbuzi nemekugezera musingaverengeke.

Zvinhu zvedu zvizhinji zvatinounganidza nekuramba takagukuchira hazvina kana basa razvinonyatsoita chairo.

Tinongoramba tichiunganidza nekuunganidza tichitandanisana nezvitsva zvinonyatsoita kuti tirambe tichionekwa.

Ndizvo zvinondinetsa kana vamwe vafundisi mazuva ano vave kuparidza vachikurudzira vanhu kuti varambe vachingotenga zvinhu nezvinhu. Mumwe mufundisi akazoshora TV seyandichiri kuona achiti, “Unoona munhu achitogara kuti aone TV yezondo remombe asi iko kwave nemaflat-screen.”

Asika, TV mumwe wanamwari variko mazuva ano. Panzvimbo yekuti nditenge TV itsva inoita kuti kana ndichiiona ndiite kunge ndichatsikwa nemota dziri kutandanisana mufirimu, ndiudzei kuti nditengere mhuri yangu mabhaibheri.

Nzara yedu yekuda zvinotora maziso, zvinovaima nezvitsva inoratidza mweya weruchiva. Murairo wegumi unotiudza kuti tisachiva imba kana zvinhu zvevamwe. Mwari vanozviziva kuti kuramba tichitsvaga nekutenga tichizviunganidzira zvinhu izano raSatani rekuti tikanganwe Mwari. Kana zvinhu zvedu zvikange zvawanda, zvichada nguva yedu yakawanda.

Chimwe chinotirasisa muhupenyu hwedu hwanhasi kuzvikudza kwedu. Kazhinji tinozvikudza nekuda kwemabasa edu. Nyanzvi dzave kuti vanhu vazhinji vave kupa mabasa avo nguva iri pakati pemaawa 70 ne 80 pasvondo kumabasa avo. Nyangwe panguva dzekuzorora kana pakati pehusiku, vanhu vanenge vachingoshanda vari pamafoni kana patumakombiyuta twunotakurika.

Chabata pfungwa dzedu ndechekuti basa rangu ngaribudirire ndigopuromotwa, ndigowedzerwa mari, ndigotenga icho nechocho. Panguva iyoyo, vana havasisina anoitira hanya nerudo.

Tinozvinyengedza tichifunga kuti tiri kuvashandira kuti vadye nekuenda kuzvikoro zvakanaka, asi chokwadi chaicho ndechekuti zvese izvozvo tinenge tichizviitira isu tega kuti vanhu vabva vati zvinhu zvedu zviri kufaya.

Asi zvese izvi hupenzi nekuti zvese zvatinozviunganidzira uye zvichitishaisa hope zvichasara panyika pano kana tichinge tafa. Bvunzai vanhukadzi, vachakuudzai kuti kana warukwa wivhi, uchaita masitayira akasiyana-siyana nayo, asi ichatanga kuvava, igotanga kudambuka zvekuti pakupedzisira uchaibvisa kuti vhudzi rako chairo-chairo risina manyemwe rishongedze musoro wako. Ichokwadi, kana wivhi yave kubviswa kuchasara vhudzi chairo. Ipapo wivhi inenge ichiimba kuti hatina musha panyika.

Share This:

Sponsored Links