Uncategorized

Kana zviri zvako, ko vamwe zvinei navo?

26 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa

NHASI regai imbwa imbopfeka hembe. Asi kana imbwa yapfeka hembe, muri kuda kuti ipfeke dzakaita sei?

Ripped jeans? Crop top? Mini-skirt? Slit? Dzinonyebudza? Dzinosiya cleavage? Dzinonamira muviri sebhandeji, kana dzinodonhedza musika?

Unozviziva here kuti hembe dzaunopfeka imhando yemutauro. Kare, ndizvo zvaipa varume kuziva nzenza nemukadzi kwaye.

Hembe mazuva iwayo dzaive nemazita ezviri kutaurwa neakadzipfeka. Kwaive nehembe dzainzi “Musandizeze” nedzimwewo dzainzi “Tsiga ndikuroore”.

Hembe dzako iSlogan. Asi unozviziva here kuti hembe dzako dzauri kuti ndedzekudonhedza musika, dzichisiya chipfuva nedumbu pachena kushandiswa kwauri kuitwa? Chaiye wauri kuratidza zvauri kuti “zvinhu zvako” ndiani? Uye kana zviri zvako, ko vamwe zvinei navo?

Ndinokutyira kuti unogona kunge wakatopinzwa muzvikwata zvekusatirimuka kana kuona chakaipa.

Asi kana Mwari vaine yambiro kana dambudziko pamusoro pechimwe chinhu, ziva kuti hakuna angazochipindurudza kuti chive chakanaka. Bhaibheri kuna Ekisodho 23 v 2 rinoti, “Usatevera vazhinji pakuita zvakaipa . . .”

Dziriko hembe dzekuhodhesa nyama, dzekunyebudza zvekuti vanokuona vanoona zvese zvinoyera.

Chinondinzwisa tsitsi ndechekuti nevamwewo vanhukadzi vasinganzwisise kana kuziva chinangwa chevanoshambadza hembe idzi, vave kungowirawo mufashoni idzodzo vachizvitora maSelfie nekushevedzera kuti “kutyei?”

Ichokwadi kutya kwakaipa, asi pane kumwe kutya kunoraramisa. Bhaibheri rinoti, “Kutya Jehovha ndiwo mavambo ezivo.”

Kuna Timoti muBhaibheri kwakanyorwa kuti, “Ndinodawo kuti vakadzi vapfeke zvakafanira, zvakanaka zvine kuzvidzora . . .” Zvakafanira zvinoreva zvakaringana. Kudira mvura iri mudhiramhu mukapu hakuna kufanira. Kuzvidzora kuziva miganhu isingaite kudarika.

Asi pane mweya wegurumwandira, wechitevedzerwa, wekuda kukwana-kwana, wekuda kuonekwa, kutaurwa nekushandiswa unomira uchinyararidza izwi raMwari rinokuzevezera kuti, “Izvi hazviite . . .!”

Mune rimwe Bhaibheri vhesi iroro rakanzi: “Saizvozvowo, kuti vakadzi vashonge nguo dzakafanira, vanokunyara nokuzvidzora . . .”

Kunyara kunotaura nekuratidza kuti munhu ane hunhu maari. Nyaya yekuzvidzora inoratidza kusiyana kwemunhu nemombe. Mombe inomirira anoidzora, asi munhu nekuti ane pfungwa nemweya waMwari, anoziva zvinoita nezvisingaite.

Asi mukuziva zvinoita nezvisingaite imomo, mune vanonyatsotaura vega kuti vari kuda “kupfekera kuuraya.”

Ichokwadi pane mapfekero anouraya vakapfeka, nevafarira kupfeka ikoko.

Kana kupfeka kwako iri mharidzo, uri kuparidza vhangeri ripi, uye raani kuti zvizoita sei? Munyika ino kune vakanzwisisa simba renyama, uye vanhu ivavo vari kushandisa nyama dzavo kuuraya.

Nyama yakarambwa naJesu paakati kuna Johani, “Nyama haina maturo, asi mweya ndiye anoraramisa. Mashoko andakataura kwamuri mweya uye hupenyu.”

Ndinotya kuti mukuda kutaurwa panotaurwa vamwe, kune vachashandisa nyama, asi Bhaibheri rinoti, “Anodyarira nyama, achakohwa kuora.”

Fashoni iri kugadzirwa nekushambadzwa mazuva ese, asi iri kushandiswa sechirauro chaSatani. Pachirauro panoiswa nyongorosi kuti hove dzigodya, dzobva dzabatwa.

Zvino Satani ave kushandisa vamwe vanhu senyongorosi. Asi chinorwadza ndechekuti dai nyongorosi ichizoramba iri mhenyu kana ichinge yashandiswa kubata hove, asi kwete naiyo inofawo.

Vamwe pavanenge vachiimbira Mwari vachitsvaga kuti vopfeka hembe dzakaita sei kana kuti dzakakodzera sei kuti Jesu azovashanyira, vamwe vanenge vachitsvaga kushanyirwa nemaziso anochiva kuti vapinze vanhu muhupombwe.

Pfekai zvenyu zvinodonhedza musika, asi muzive kuti madonhedza tsika. Pfekai zvenyu zvinoratidza kuti makabatana, asi dai mauraya nyama nekuchiva kwayo kuti murarame.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey