Kanzuru inoti chii?

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Kanzuru inoti chii? VaChideme

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUTAURIRI wekanzuru yeguta reHarare, VaMichael Chideme, vanotsinhira nyaya yechitunha chemwana chinonzi chakafukunurwa muguva kuGranville Cemetery, chikazodamburwa musoro, makumbo nemaoko.

“Hatichaziva kuti vanhu vapindwa nei nekuti pachivanhu vafi vanofanirwa kuremekedzwa. Ichokwadi, nyaya iyi yakaitika kumakuva edu ekanzuru yeHarare ekuMbudzi kana kuti kuGranville Cemetery apo mutumnbi wemwana wakafukunurwa ukabviswa musoro, makumbo nemaoko.

“Izvi ndizvo zvakaonekwa nemaziso edu asi nyaya iyi takaiendesa kumapurisa, mutumbi ukaenda kunoongororwa nemachiremba. Kana paine humwe umbowo hwatichawana sekanzuru, ticharamba tichiendesa kumapurisa,” vanodaro VaChideme.

Vanoenderera mberi vachiti, “Nyaya iyi yakatikatyamadza zvikuru nekuti tine mumwe mutumbi zvakare wemwana wakabva mukufukunurwa munguva pfupi yakadarika ukabviswawo dzimwe nhengo.

“Tine mapurisa edu ekanzuru anochengeta makuva aya asi nzvimbo iyi yakakura zvekuti havangakwanise kunge vari kwese nguva dzose,” vanodaro.

Vanokurudzira vanhu kuti kana vakaona zvinhu zvakadai zvaitika, vakurumidze kuzivisa vashandi vekanzuru, mapurisa ekanzuru kana mapurisa eZimbabwe Republic Police.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey