Kanzuru yavhura chikoro chitsva

12 Jan, 2018 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Doma ari kuZVISHAVANE
Kanzuru yeZvishavane iri kuvakisa chikoro chesekondari icho chave pedyo kupera uye chichange chichikumikidzwa zviri pamutemo munguva pfupi inotevera. Munyori mukuru wekanzuru iyi, VaTinoda Mukutu, vanoti kuvakwa kwechikoro cheGeorge Chipadze Secondary School kwakatanga gore rapera uye vane tarisiro yekupedza kuchivaka panovhurwa zvikoro temu yekutanga ino.

“Tiri kuvaka chikoro icho chatinotarisira kukumikidza munguva pfupi iri kutevera uye chinonzi George Chipadze Secondary School.

“Pari zvino pane makamuri mana ekudzidzira uye tinoda kuvaka mamwe akawanda pamwe nezvimbuzi. Apo zvikoro zvichavhurwa, tichada kukumikidza chikoro ichi zviri pamutemo, icho chiri kuvakiswa nekanzuru ichibatsirana neSchool Development Committee. Zvimwe zvikoro zvatinazvo zvinosanganisira Mandava Secondary, Shabanie Secondary nezvimwe zvepuraimari,” vanodaro VaMukutu.

Mubhajeti regore rino, kanzuru yeZvishavane yakaisa padivi $20 000 iyo ichashandiswa kupedzisa kuvaka chikoro ichi. Chikoro ichi chimwe chezvivakwa zviri kutsigirwa nekanzuru nemari yakaiswa padivi inosvika $900 000.

Vachitaura pakuparurwa kwebhajeti ra2018, sachigaro wekomiti inoona nezvemari mukanzuru, Kanzura Fatuma Phiri vanoti vose vavanoshanda navo vanofanira kuona kuti zvekushandisa zviripo kuitira kuti vapedzise mabhindauko avari kuita.

“Zvakakosha kuti vose vatinoshanda navo vaunganidze zvekushandisa kuitira kuti tifambise mabasa edu ekuvaka nemazvo izvo zvinobatsira mukusimudzira raramo yevanhu vemuZvishavane nedzimwe nzvimbo dzakatenderedza.

“Zvakakosha kuziva kuti mabhindauko aya haangakwanise kuitwa nekanzuru yeZvishavane yoga, asi kuti anoda kubatana nemamwe mapoka kuburikidza nezvirongwa zvePublic Private Partnerships (PPPS),” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey