Uncategorized

Kanzuru yeHarare yakapihwa kiriniki

04 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reMedecins Sans Frontierers/Doctors Without Borders (MSF) nguva pfupi yadarika rakapa kiriniki inobatsira vanenge vasangana nematambudziko emhirizhonga dzakasiyana (Sexual and Gender-Based Violence – SGBV) Clinic kukanzuru yeHarare pamwe nekuzarura zviri pamutemo kiriniki yevechidiki yeAdolescent Clinic iri muMbare makare.

Vachitaura pachiitiko ichi, country director weMSF muZimbabwe, VaBjorn Nissen, vanoti vanofara kutambidza kiriniki iyi kukanzuru yeHarare sezvo riri iro donzvo ravo rekurwisa nyaya dzemhirizhonga.

“Sezvamunoziva, sangano reMSF rakavhura muzinda wekurwisa nyaya dzemhirizhonga muMbare mugore ra2011 rakabatana neCity of Harare Health Department. Izvi zvakatevera ongororo yatakaita munzvimbo ino inova yakaratidza kuti nyaya dzemhirizhonga dzainge dzakawanda zvikuru uye vanhu vakawanda vakange vasiri kutsvaga rubatsiro nekuti makange musina muzinda uri pedyo unovabatsira,” vanodaro.

Vanoti kubvira kutanga kwavakaita zvirongwa zvekurwisa nyaya dzemhirizhonga munzvimbo iyi, vakange vari kupa rubatsiro rwepachena urwo rwunosanganisira kupanga mazano, kurapwa pamwe nekutsigira vanhu vanosangana nenyaya dzemhirizhonga.

“Kuburikidza nebasa ratakabata muno, takadzidza zvinhu zvakawanda tisingakanganwi kutenda vashandi vaibatsira vanhu vaisangana nemhirizhonga nekuti vaiita basa ravo nemazvo. Pakati pegore ra2011 na2017, vanhu vanodarika 8 200 avo vakasangana nemhirizhonga vakabatsirwa pakiriniki iyi. Pakati pevanhu ava, pane vana vane makore ari pasi pe15 ekuberekwa,” vanodaro VaNissen.

Vanoti seMSF vari kushanda pamwe nekanzuru yeHarare kune mamwe makiriniki masere ari kunzvimbo dzinoti Glen View, Budiriro, Kuwadzana, Mabvuku, Hatcliffe, Rujeko, Dzivarasekwa nekuGlen Norah.

“Mumakiriniki aya tinopa zvakare rubatsiro rwekurapwa uye vanhu vanenge vachimiririrwa maringe nezvine chekuita nemutemo pachena. Saka kufambiswa kwechirongwa ichi kuchaenderera mberi asi kuchitsigirwa nekanzuru yeHarare nevamwewo vatsigiri,” vanodaro VaNissen.

Sangano reMSF rakakwanisa kudzidzisa varapi 100 maringe nenyaya dzekurwisa mhirizhonga uye vamwe 100 vari kushanda paEdith Opperman Clinic, kuMbare.

VaNissen vanoti kanzuru yeHarare ichange ichitsigirwa nehomwe yesangano reUNFPA mukurwisa nyaya dzemhirizhonga.

Rumwe rwerubatsiro rwuri kuwaniswa vanhu pachena nesangano reMSF rwunosanganisira kuvhenekwa utachiona hweHIV, kuvhenekwa zvimwe zvirwere zvepabonde (STIs), kuwaniswa mishonga yekurera mhuri nezvimwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey