kapfupi opotera kun’anga

15 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
kapfupi opotera kun’anga

Kwayedza

— ‘Nhamo yanditamba tsvina’ — ‘Zviri zvangu zvazonyanya’

Kingstone Mapupu —
MUIMBI ane mukurumbira uye ari zvakare shasha yemitambo yemadhirama, Freddy “Kapfupi” Manjalima (39) anoti aomerwa neupenyu zvekusvika pakudya nhoko dzezvironda izvo zvazomutuma kutsvaga makomborero kuimwe n’anga ine mukurumbira muHarare.

Kapfupi — uyo anogara nemudzimai wake Precious “Mai Ngaa” Kabrito nemhuri kuEpworth Extension — svondo rapera akapotera kuna Sekuru Kamwelo Banda achida kuti vamubatsire pamatambudziko aanoti akaita “zvekumusona”.

“Hongu zvinhu zvakaoma mazuva ano, vanhu vari kuchema, asi zvangu zvanyanya. Ndakazoenda kuna sekuru vandinongonzwa ava tikataura, vakavimbisa kundibatsira mune zvakawanda izvo ndakakumbira.

“Hamheno, pamwe ndipo pane zambuko rangu nekuti ndakavimbiswa zvakawanda nevanhu vane mukurumbira munyika muno izvo zvisina kuzadzikiswa kusvika nanhasi. Shuwa vamwe vakati tinokupa masitendi edzimba, vamwe motokari, vamwewo vakati dzimba dzakapera kuvakwa asi hapana chakafamba,” anodaro Kapfupi.

Anoenderera mberi: “Hameno kuti sekuru ava vachaitawo here zvimwe chete zvekundikwidza ndege yemashanga sezvandagara ndichiitwa. Ndingadai ndisisagare kuno kuEpworth, asi nhema dzandizvimbira. Ndave kungotarisa vimbiso yavo.

“Ndakaenda kwavari masvondo akapera apo ndakaita tsaona motokari yandaiva ndahaya yakatakura midziyo yangu yekuridzisa mhanzi yakabheuka magitare, maspeaker nezvimwe zvikaparara. Handisisina zvekuridzisa pamusoro peimwe nhamo yandagara ndiinayo.”

Muimbi uyu anoti anodawo midziyo yekuridzisa mitsva, pekugara pakanaka panomupa chiremerera nekuwanawo motokari yekutakurisa midziyo yake nechikwata chake chevaiimbi.

Asi Kapfupi haana kunyatsojekesa kuti nen’anga iyi anoda kupihwa mushonga here kana kuti kubatsirwa kuwana mari.

“Hamudi kunzwa kuti Kapfupi ati nzvee neapo, munobva mada kuziva kuti ndiri kuitei. Handichaenda kuchimbuzi here nhaimi? Tsvagaiwo vamwe vaimbi, ndini ndoga here muno muZimbabwe? Inga kune vane mbiri chaizvo.

“Fanika iwe Kingstone (kureva munyori uno) uneni, wakamboti nangananga nenyaya yekuti Marabha ainditi ndaimurovesa nezvidhoma ini ndirini ndakaita kuti azive kuUK nekukwira ndege. Nhasi wave kunditevera uchiti ndaenda kun’anga! Iwe hauende here kun’anga? Ndiyani asingaende kana iwo maporofita, mabhishopu nemafundisi tinosangana navo wani!

“Siyana neni, ndakamboti ndichakunyorerai kambo vanhu veKwayedza ndikazokunyarai,” anodaro Kapfupi apo akatanga kutaurwa naye panhare.

NeMugovera wadarika, Kwayedza yakazoenda kumba kwaKapfupi mushure mekunge yanyeverwa, ndokuwana Sekuru Banda variko.

Paakaona munyori uno, Kapfupi akabva atanga kutaura asina amubvunza achiti Sekuru Banda vakanga vamushanyira vachinoona midziyo yake yekuridza mhanzi iyo yakaparara mutsaona yemotokari nekutaurirana kuti angabatsirwe sei.

“Sekuru ava vari pano kuona vazukuru vavo isu, nekunzwa matambudziko edu kwete kupihwa mishonga sezvamagara muchifunga imi vatori venhau. Ndinoda kuti vandivakirewo imba nekunditengera midziyo iyi nezvimwe. Akutaurirai futi kuti vari pano ndiyani?

“Munonetsa imi, fanika iwe Kingstone unodya here mastard sembwa kuti unzwe hwema hwenyaya? Aiwa, wakaoma wena!” anodaro. Sekuru Banda vakasvikirwa vakagara naKapfupi nemudzimai wake panze pemba.

Muhurukuro neKwayedza, Sekuru Banda havana kutanga nekudura kuti vanoda kupa muimbi uyu rubatsiro rwei.

Asi n’anga iyi yakaratidza tsiyo nyoro ndokupa muimbi uyu nemhuri yake mari yekuti vambofanobatsirikana.

“Ndine vanhu vakawanda vandinobatsira vaigara vachitaura nekuda kwemuimbi uyu nematambudziko ake. Ndakazonzwa nezvetsaona yake svondo rakapera apo ndakati atsvagiwe ndimubatsire.

“Chekutanga ndiri kumutengera maspeakers ose aanoda nemagitare, ndinoda kumutsvagira imba yekuroja kune imwe nzvimbo iri nani muHarare, obva kuEpworth. Panguva iyoyo, ndinotsvaga mashoo ekuti aridze kusvikira vasimuka tozotenga sitendi kumakanzuru ari padyo tovaka tose tichibatsirana. Iyi imba yekuEpworth vanoramba vanayo toivandudza, oisa maroja,” vanodaro Sekuru Banda. Zvakadai, Mai Ngaa vanoti vane mufaro mukuru zvichitevera rubatsiro rwavari kuvimbiswa nen’anga ine mukurumbira iyi.

“Sekuru ava vakauya voga vanzwa dambudziko redu. Saka ndinofunga vachazadzikisa zvavativimbisa. Nhasi chaiye vatipa $200 yekutenga zvekudya nezvimwe, tanga tisina pekubata, plus ndafara nekuti ndanga ndisingavazive,” vanodaro Mai Ngaa.

Mai Ngaa vakatambidzwa mari iyi naSekuru Banda vatori venhau varipo. Munguva pfupi yakadarika, Charles Milisi Mupalume (31) — uyo anozivikanwa saMarabha uye aimboimba naKapfupi – akaudza Kwayedza kuti airwara nekuda kwezvidhoma zvaanoti aitumirwa naKapfupi achiti zvaimurova.

Marabha akazobva kuEpworth achinogara kuchechi yeHoly Baptised Apostolic Church of Christ in Africa inotungamirirwa naBishop Susan Ziki Dube kuSally Mugabe Heights uko ari kushandirwa.

Marabha anonzi akapihwa pekugara pachechi apa pamwe chete nemudzimai wake Susan Makumbirofa (28) nemhuri yavo.

Zvakadai, Kapfupi ari kuramba kuti ane zvidhoma zviri kurova Marabha achiti zvichida Marabha ave kurwara nepfungwa sezvo akamborohwa nematsotsi akakuvara musoro.

Share This:

Sponsored Links