Uncategorized

‘Karimbo itsinga inobata rurimi’

18 Sep, 2014 - 00:09 0 Views

Kwayedza

MUMWE mazvikokota panyaya dzechivanhu anoti dambudziko rekarimbo rinowanikwa kuvanhu nekumhuka, izvo zvinoita kuti pave nedambudziko rekudya zvakanaka pamwe nekutaura.
VaFriday Chisanyu, vanove mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association, vanoti karimbo itsinga inobata rurimi iyo inofanirwa kuchekwa kuti rurimi rugokwanisa kushanda zvakanaka.

“Dzimwe nguva tsinga iyi inodambuka yoga uye kana ichinge yarega kudambuka yoga ndipo painochekwa nenyanzvi, zvikuru vanachiremba vakadzidzira basa. Kare zvaiitwa nemachembere aikwanisa izvi asi zvino isu tave kukurudzira kuti vana ava vanochekwa nanachiremba vakafundira basa,” vakadaro VaChisanyu.

Vanoti pasi pemutemo wesangano ravo, hazvibvumidzwe kuti nhengo dzavo dzicheke miviri yevarapwa.
“Kune machiremba edu anocheka karimbo kungava nereza kana chii chavangashandisa, imhosva chaiyo,” vakadaro VaChisanyu.

Share This:

Sponsored Links