Kasikana (8) shasha yemotor-cross

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Kasikana (8) shasha  yemotor-cross

Kwayedza

Abel Ndooka
KASIKANA kemakore masere okuberekwa koita zvinorova mumutambo wemotor-cross izvo zviri kukaona kachitatsurana nevakomana vakuru kwakari mumujaho yakasiyana.

Kare mujaho wemotor-cross waizivikanwa uri wevarume asi kuzouya kwakaita Tanya Muzinda, uyo akwanisa kunokwikwidza kunyika dzakasiyana dzekunze achihwina mikombe yakawanda, kwabva kwavhurira mikana vamwe vasikana vakaita saMufaro Kabasa (8) uyo ave kutevera mumatsimba ake.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Mufaro anoti chishuwo chake kusimudzira mureza weZimbabwe sezvinoitwa naTanya kuburikidza nekuhwina mibairo yakawanda kunze kwenyika.

“Ndakazviona kuti hapana mutambo unonzi ndewevakomana chete, isu vasikana tinogona kuzviitawo uye pasina chinotikanganisa.

“Ndakazvarwa ndichingofarira kuchovha bhasikoro uye ndichikwikwidza nevakomana kumaraini. Pandakanzwa nezvaTanya ndipo ndakati ndinokwanisa kuzviitawo uye ndokutanga kukwikwidza kuDonnybrook.

“Hapana chinombonditadzisa kusvika kure nekuti zvese zviripo zvinondibatsira kuti ndibudirire,” anodaro Mufaro.
Shasha iyi parizvino iri kuita Grade 4 pachikoro cheGroombridge Primary, muHarare uye anoti dzidzo ndiwo musimboti wezvose muhupenyu hwake nekudaro anoikoshesa sezvaanoita mutambo wemotor-cross.

Anoti paanoenda kuchikoro, haasiye mukurumbira waave nawo uchimupinda mumusoro asi anongoita zvefundo yake.
“Fundo yakakosha uye ndiwo musimboti wezvese muhupenyu saka ndinotanga ndaita zvechikoro changu, ndapedza ndochienda kumotor-cross kunoita gadziriro dzangu kana ndakatarisana nemujaho.

“Mazuva ano fundo inodiwa pazvose nekuti mune ramangwana kana ndave kuzoenda kunokwikwidza kunze kwenyika handizive kuti zvinofamba sei saka zvakakosha kushanda nesimba kune zvose,” anodaro Mufaro.

Baba vake, Kudakwashe Kabasa uyo anove zvakare maneja wake, anoti chipo chiri pamwana wake chakakosha zvikuru.
“Tinokoshesa fundo yaMufaro nemutambo uyu saka ini ndinenge ndiripo nguva dzese ndichimuendesa kuchikoro kana apedza toenda naye kunoita gadziriro dzake. Chishuwo chedu kuona achibudirira mumutambo uyu uye fundo yake achipasa zvakare,” anodaro Kabasa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey