Uncategorized

Kasikana konyora mabhuku

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

MUSIKANA wechidiki, Michelle Nakai Maruta (20), ave kuita zvinorova nekunyora mabhuku eShona neechiRungu ayo aanoti ari kufarirwa nevanhu uye ari kuatengesa padandemutande (online) izvo zviri kuita kuti awane chouviri.

Maruta anoti akatanga zvekunyora mabhuku achine makore 18 ekuberekwa uye zvakangobva muhudokwa-dokwa hwake hwekufarira kunyora.

“Ndiri munhu anofarira kunyora zvekuti vanhu vazhinji vachiri kukahadzika kuti ndiri kuzviwana kupi.

‘‘Vamwe vanoti mamwe mashoko andinonyora haaenderani nezera rangu zvekuti vanotofungira kuti pamwe pane mumwe munhu ari kundibatsira nyambisirwa zvose zvinobva muuropi hwangu, uye ongororo yezvinhu zvakasiyana mukurarama kwedu munharaunda dzakasiyana,” anodaro.

Pari zvino Maruta akanyora mabhuku matatu akatopera, ayo akaendeswa kukambani inodhinda mabhuku, yeZimbabwe Publishing House (ZPH).

“Mabhuku andakaendesa kuZPH anosanganisira Munyaradzi Wangu, Moyo Muti naNdaizivei. Ndine mamwe maviri andiri kunyora anoti Nherera naUnbreakable Love.

“Dambudziko riripo pakudhindisa mabhuku nderekuti mimwe mizinda inodhindisa inenge ichida mari yakawanda se$200 kana kudarika, asi kuZPH hakuna muripo wakarehwa. Mabhuku angu ndakamaendesa kuZPH mumwedzi waGumiguru gore rapera,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Ndanga ndiine shuviro yekuti kudai mabhuku angu adhindwa apinda mumusika nenguva asi zviri kukona n’anga murapwa achida. Ichi ndicho chikonzero ndiri kufana kuatengesa padande-mutande zvisinei nekuti pane dambudziko rekuti kune vamwe vane katsika kekuba basa revamwe vachiritengesa, vachitoita mari.”

Anoti bhuku rake —Munyaradzi Wangu — riri pamusoro pemusikana akasangana nemukomana akazomunyaradza mushure mekunge ashungurudzwa nemudzimai wababa vake apo amai vake vainge vaurayiwa nemusikana wavo webasa.

Maruta anoti muna Moyo Muti mune nyaya ine dzidziso yekuti vanhu vangava vapfumi kana varombo, hapafaniri kuva nekuitirana hutsinye nekuti hwakashata uye kuti humbavha hune magumo ejere.

“Kuchizoti muna Ndichazovei? ndinotsanangura nezvaKudakwashe, uyo aive mwana wemupurisa akapa mudzimai wake utachiona hweHIV achibva aenda kunze kwenyika zvinova zvisina kufadza mudzimai uyo akasara achinetseka.”

Maruta akadzidza sekondari paMavhudzi High, kuNyazura, nepaChipindura Secondary School, kuBindura.

Musikana ane shuviro yekuzova mupurisa muupenyu hwake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>