Uncategorized

Kasvava kakabiwa ‘nemuenzi’

23 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Kasvava kakabiwa ‘nemuenzi’ Previous Mvura

Kwayedza

Kingstone Mapupu naRon Zvawada
MHURI inobva kwaNyashanu, kuBuhera, asi ichigara kuEpworth, muHarare, yakasara izere nekusuwa kukuru zvichitevera kubirwa kwainonzi yakaitirwa kasvava kane masvondo matatu ekuberekwa nemuenzi wechikadzi.

Emmanuel Matunga (29) nemudzimai wake, Previous Mvura (25), avo vanogara kwaDhonoro, kuEpworth, vanoti vakabirwa mwana mucheche svondo rapera nemumwe mukadzi.

Mwana uyu anonzi akange atumidzwa zita rekuti Wayne uye ndewechipiri mumhuri iyi. Mwana uyu ainge asunungikirwa pakiriniki yepaDomboramwari, ikoko kuEpworth.

Emmanuel Matunga

Mukadzi anonzi akazoba kasvava aka akangozviti Junior uyo angangoita makore anodarika 20 ekuberekwa uye akasiya nhamba dzenhare idzo dziri kudavirwa nemumwe munhu.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Simon Chazovachii, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ari kuita nyaya iyi.

“Nyaya yekushaikwa kwemwana mucheche kuEpworth regai tigobvunza vamwe vedu ikoko kuti yakafamba sei,” vanodaro.

Susan Mupondi

Kwayedza svondo rapera yakashanyira mhuri iyi ndokutaura nababa vemwana uyu avo vanoti havasi kunzwisisa chaizvo zvakaitika.

“Ini handishandire kuno, ndinoshandira kwaMutare ndichiita zvekutengesa saka ndainge ndauya kuzoona mwana mutsva ndokurara ndokuzofuma mangwana acho kuma11 mwana achibiwa ini ndaenda kunogerwa. Vadzimai vaiva voga pakaitika izvi,” anodaro Emmanuel.

Anoti akamuka ndokuwana mudzimai wake aine mumwe mukadzi uyo akangoudzwa kuti anotengesa mbatya dzevana nekuruka misoro.

“Mudzimai wangu anoti nezuro wacho aiva ambosangana nemukadzi uyu kunzvimbo yemabhizinesi yekwaMunyuki apo akambogadzirirwa mwana uyu achiti aiva asina kuberekwa zvakanaka. Mukadzi uyu anonzi akatombovatakurira tangi regasi akazovati aida kuzovaruka musoro mahara kuti azowana makasitoma kudivi rekwatinogara,” anodaro Emmanuel.

“Kunyangwe mudzimai uyu akawana pasina madreads ayo aida kurukisa mudzimai wangu, akaramba aripo pamba. Ini ndakazoenda kunogerwa ndokusiya vari vose apo mwana aiva arere mutuckshop asi ndakazodzoka ndikawana mwana abiwa,” anodaro baba vekasvava aka.

Christine Matunga

Anoti mudzimai wake akamuudza kuti mukadzi uyu akabereka mwana apo iye aiwacha mbatya, ndokutenderera nekuseri kwedzimba achiti aida kuona kusimuka nekumhara kunoita ndege sezvo nzvimbo yeEpworth yakadziva kunhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport.

“Pandakadzoka kunogerwa, ndini ndakasvikobvunza mudzimai kuti ko mwana aripi? Vakanditi akaberekwa nemukadzi wandaiva ndasiya vainaye, tikazomhanya tose kutsvaga asi tikamushaya kusvika nanhasi.”

Murume uyu anoti mudzimai wake akazomhanya kwaMunyuki kunonzi ndiko kwaishandira mukadzi uyu asi akasvikomushaya.

Emmanuel anoti kwavari kufamba vachibvunzira vanonzi mwana wavo mupenyu.

Christine Matunga (37), uyo anova hanzvadzi yaEmmanuel uye akawanikwa ari pamba apa abva kuBocha kwaakaroorwa, anoti akavhundutswa zvikuru nenyaya yekubiwa kwemuzukuru wake.

“Ndakauya, ndichibva kumba kwangu kwaMarange ndanzwa nyaya iyi.

“Tinongotarisira kuti anowanikwa nekuti kwatiri kuenda tinonzi mupenyu, achadzoswa,” anodaro Christine.

Mbuya Susan Mupondi (87) vanove amai vaEmmanuel vanoti: “Ndakabva kumusha kuBuhera ndanzwa kuti muzukuru abiwa. Mufunge tanga tisati taona mwana mutsva uyu. Zvinorwadza,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMvura sezvo akawanikwa asipo pamba achinzi aenda kuHwedza kune mumwe muporofita kunobvunzira.

Zvakadai, nyaya dzekushaikwa kwevana dzinonzi dziri kuwanda munyika muno sezvo nguva yadarika paine mumwe anonzi Knowledge Nyamunda (3) uyo anonzi akangonyangarika kupurazi reRosyline Pattison, kuBeatrice, uye haasati awanikwa kusvika nanhasi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>