Kasvava kakaroverwa pasi

21 Jun, 2014 - 19:06 0 Views
Kasvava kakaroverwa pasi

Kwayedza

mwanaMWANA achiri kasvava kane mwedzi mumwe chete kaberekwa akapona nepaburi retsono svondo rapera apo akangoerekana abatwa nekumakumbo nemumwe munhukadzi anova hama yemhuri iyi ndokuroverwa pasi, kwete kamwe chete kana kaviri, asi KATATU.

Chikonzero chakaita kuti hama yechikadzi iyi iite mashura aya mumusha weHatcliffe Extension, muHarare zuva rakacheka nyika hachina kuzivikanwa kusvika pakudhindwa kwenyaya ino asi mushure mechiitiko ichi, kasvava aka kakabva kaendeswa kuchipatara.

Mukadzi wekupwatitsira mwana pasi uyu akatoita zvekudziviswa ndokubatiranwa nevanhu vaivepo kuti azosiya kasvava aka apo akazoendeswa kumapurisa.

Amai vemwana uyu, Mai Zvisinei Mugezelwa vanoonekwa vakamubata mushure mebhaisikopo rakaonekwa nevagari venzvimbo iyi iri.

Mai Mugezelwa, kasvava aka kanonzi hakana kukuvara uye pane mumwe mufananidzo Mai Mugezelwa vairatidza X-ray yakatorwa mwana wavo kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals. — Mifananidzo: Memory Mangombe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>