Kebvunde inoda dzimba dzematicha

07 Aug, 2014 - 14:08 0 Views
Kebvunde inoda dzimba dzematicha VADOBIAH Manjinjiwa vachitaridza imwe yedzimba dziri kutizwa nevadzidzsi vepaKebvunde Primary School

Kwayedza

VADOBIAH Manjinjiwa vachitaridza imwe yedzimba dziri kutizwa nevadzidzsi vepaKebvunde Primary School

VADOBIAH Manjinjiwa vachitaridza imwe yedzimba dziri kutizwa nevadzidzsi vepaKebvunde Primary School

Kingstone Mapupu
CHIKORO cheKebvunde Primary School, icho chiri kwaNematombo, kuHurungwe, chinonzi chiri kutizwa nevadzidzisi nekuda kwekushaikwa kwedzimba dzinokwanirana uye dzimwe dzedziripo hadzina kukodzera kugarwa. Mashoko aya akataurwa nasabhuku wemusha waManjinjiwa, VaDobiah Manjinjiwa (75), avo vaimbova sachigaro weSchool Development Association (SDA) pachikoro ichi.

Vanoti zvinosuwisa zvikuru kuti vadzidzisi vanonoroja kutaundishipi yeMagunje nekuti pachikoro apa hapana dzimba dzakanaka dzekuti vagare uyewo nekushaikwa kwemagetsi.

“Idambudziko guru kuti vadzidzisi vedu vanobva kugrowth point kwavanoroja uko vanofamba chinhambwe kuuya kuno kuchikoro. Haisi mhosva yavo, hapana dzimba dzakanaka pachikoro uye magetsi hatina,” vakadaro. Vanoti ivo sevabereki, vanoda kuti vadzidzisi vagare pachikoro pane kuti vanoguma vave kunobvisa imwe mari vachiroja dzimba asi chikoro chavo chichifanirwa kuvawanisa pekugara.

“Sevabereki tiri kukanya zvidhinha zvekuti tivakire vadzidzisi vedu dzimba dzakanaka dzinokwanirana nekuti dzimwe dzatinadzo dzakatiginuka saka vadzidzisi vanotiza,” vakadaro VaManjinjiwa.

Kunze kwazvo, vanoti dzimba dzekudzidzira vana hadzina kunaka idzo dzavanoti panoda kuvakwa dzimwe itsva nekugadziridza dziripo.
“Chikoro chedu chine varairidzi vangangodarika 13 uye chinobvira Grade 1 kusvika 7. Saka dzimba dzekudzidzira zvakare hadzikwane, pane rimwe bhuroko rakatorwa nemvura yaiva nedutu iro risati ragadzirwa,” vakadaro.

Sabhuku Manjinjiwa vanoti kuburikidza nehurongwa hwekuvandudza chikoro ichi, vakawirirana nemasabhuku ose anokwana matanhatu mudunhu iri kuti sabhuku woga-woga nevanhu vake vakanye zvidhinha 10 000, izvo zvichasvika 60 000.

“Zvidhinha izvi zvakatotangwa kukanyiwa, zvimwe zvacho zvichaenda kubasa rekuvaka chikoro chesekondari sezvo vana vedu vasina sekondari, vanoenda kuMagunje, kuCharles Clarke,” vakadaro.

Mabhuku ari kukanya zvidhinha anoti Manjinjiwa, Nyamadzawo, Mujoma, Chidembo, Chidzawari naMagunje.
Sachigaro weSDA pachikoro ichi pari zvino, Mai Blessing Kashiri, havana kuonekwa pakashanyirwa nzvimbo iyi sezvo vaive vabvakacha.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>