Kereke vanhu

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gundaza

MUSORO wekuti Kereke Inofa unodudzirwa sei mumutambo uyu? Tsigira mhinduro yako nezviitiko zvishanu. [25]

Kereke inofa zvinoreva kuti pakaitika zvinhu zvinoita kuti vatendi vemuchechi vave nekusagutsikana nezvinenge zvichiitikamo, vanogona kuisiya kunove kuparara kwayo nekuti kereke vanhu.

Musoro wemutambo uyu wekuti Kereke Inofa unotsigirwa naPastor Gift Mwenje vanoramba kuti pave nemunhu anozviuraya kana kuuraiwa. Zvinobuda pavanenge vari mumotokari yavo kuMufakose naSarah. Vanoudzwa naSarah kuti aikwanisa kuudza Zebra murume wake kuti aive nepamuviri pavo zvaizoita kuti azvipfure kana kupfura mumwe wavo nepfuti asi Pastor Mwenje vanomurambidza vachiti zvaizoputsa kereke yavo.

Musoro webhuku iri unoenderana naBeauty anovimbisa kusungisa kereke yese. Tinozviona panoshaikwa amai vake, Sarah kwemasvondo matatu vabva kuUK naPastor Mwenje. Izvi zvinoita kuti Beauty azobatikana nekutsakatika kwamai vake kusvika pakuti vakasaonekwa aizosungisa kereke yacho yese yobva yangofa. Zvichireva kuti vanhu vekereke vakasungwa hakuna aizononamatako kunova kufa kwayo.

Kuti Kereke Inofa kunofambirana naMary anovimbisa kuzivisa kereke nezvekusazvibata kwaPastor Mwenje naSarah. Izvi zvinobuda pavanenge vari muchipatara cheWest End, achivaudza kuti vakamupa mukana wekuparidza Svondo yezuva raitevera mharidzo yake yaizonangana nekusazvibata kwavo. Anoti aizovareururira nekuti vega havaizvigona. Pastor vaiti vaizomuitira chese chaaida kuti asaite izvi zvaizouraya kereke yavo.

Musoro webhuku unozadziswa naMary anovimbisa kuzivisa vemapepanhau nezvekusazvibata kwaPastor Mwenje naSarah. Izvi zvinojekeswa pavanenge vari kuchipatara cheWest End, paanovaudza kuti aizotanga kufumura nyaya yavo yekupa Sarah mwana kuburikidza nevepepanhau reH-Metro kana reKwayedza. Pastor Mwenje vanomukumbira kuti asadaro nekuti zvaizovaputsira kereke yavo.

Musoro wemutambo unoti Kereke Inofa unoburitswa pachena naZebra anotsigira kuti kereke ife. Tinozviona paanomuka pamubhedha muchipatara cheWest End mushure mekunge afenda, anoshevedzera kuna Pastor Mwenje kuti kereke yavo ngaife, kwese kwaive kufa nekuti yakanga yaparadzawo imba yake. mashoma uye nyaya yekuti vange vachizowana mabasa inogadzirisika nekufamba kwenguva,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey