‘Kevin Mirallas achambomira kutamba’

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

MUTAMBI weEverton Kevin Mirallas anogona kupedza nguva refu asingatambe nhabvu zvichitevera kukuvara kwaakaita, sekutaura kwemurairidzi wake Roberto Martinez.
Chizvarwa chekuBelgium ichi chakaburitswa mumutambo wechikwata chake neLiverpool weMerseyside Derby kuAnfield akataurwa apo paakakuvara pachidya chake.

Martinez akabvuma pachena kuti ari kunetseka zvikuru nekukuvara kwakaita Mirallas izvo zviri kurakidza kuti akakuvara zvakaipisisa.

“Akatariswa pascan uye ticharamba tichimutarisa zvekare,” Martinez akaudza evertontv. “Hazvisizvo chaizvo zvabuda asi ticharamba tichimuongorora sezvo zviri kutaridza kuti hazvina kumira mushe.

“Tichaedza nepatinogona kugadzirisa dambudziko iri. Hazvisi zvinhu zvatinotarisira kuona Kevin Mirallas achikuvara zvakadai uye akatosvika pakubuda mumutambo uyu. Takatozviona kuti akuvara zvakaipisisa.

“Agara ari mukomana anogara akasimba, asingakuvare zvenhando uye tinotarisira kuona achipora nenguva”.

Everton ichiri kuongorora kuti Seamus Colemab, Sylvain Distin pamwe naSteven Pienaar vachange vakapora here zvekukwanisa kutambira chikwata chavo svondo rino apo chichasangana neFK Krasnodar mumutambo weEuropa League. – Sky Sports.

Share This:

Sponsored Links