Khabib otya kurangwa nababa vake

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Khabib otya kurangwa nababa vake Khabib

Kwayedza

BABA vaKhabib Nurmagomedov – Abdulmanap – oyambira kuti murango waachapa mwana wake uchange uri mukuru kudarika waachapihwa neUFC uye neNevada State Athletic Commission zvichitevera nyaka-nyaka yaakakonzera pakapera mutambo wake naConor McGregor.

Kunyangwe hake akakumbira ruregerero nekutangisa kwaakaita hondo zvichitevera kukunda kwaakaita McGregor mumutambo wavo wekurwira bhande, Khabib ave kutya murango waachapihwa nababa vake vadzokera kumba kwavo kuRussia.

“Mutambo uyu ndewerukudzo. Kwete kutaura marara pamusoro pemumwe munhu. Handitaure zvakawora zvemumwe munhu ini, baba vangu, chitendero changu kana nyika yangu, izvi zvakandikoshera. Baba vanhu vachandiranga zvikuru pandiri kudzokera kumba,” anodaro Khabib.

Abdulmanap haana kufara nezvakaitwa nemwana wake, uyo ainge achangobva kukunda McGregor apo akasvetuka kubva munhandare yavairwrira ndokunorwa naDillion Dallas mumwe wemuchikwata chaMcGregor.

“Unoita zvese zvaunoda uri muoctagon (nhandare), kunze uko kwete nekuti kune vana, vanhukadzi uye nevanhuwo vanenge vachiona.

“Chikwata changu chagara chichizivikanwa nekuda kwekuzvibata, ndiko saka murango wandichamupa Khabib uchange wakakura kudarika waachapihwa neUFC,” anodaro Abdulmanap.

Achitaura nenyaya yekuzvibata, Abdulamanap anoti haana kufara kuti vanhu vatatu kubva muchikwata chake cheDagestani vakasungwa munyonga-nyonga iyi. Vakasvetuka kupinda munhandare ndokurova McGregor apo hondo yakatanga kuLas Vegas T-Mobile Arena.

Khabib ane hukama hwakasimba nababa vake avo vaive murairidzi wake kubva achiri mudiki apo akapihwa zita remadunhurirwa rekuti Eagle.

Akatanga kudzidziswa zvewrestling aine makore mapfumbamwe ekuberekwa uye baba vake vakashandura imwe kamuri yemba yavo kuve gym yaKhabib yekushandisa pamwe nevanini’na vake nedzimwe hama dzavo. – Sportsmail UFC

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>