Kilimanjaro: Zvakatangira mumabhawa

19 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Kilimanjaro:  Zvakatangira mumabhawa Proud “Kilimanjaro” Chinembiri

Kwayedza

Abel Ndooka
Vazhinji vanoziva mushakabvu Proud “Kilimanjaro” Chinembiri ari shasha yetsiva asi mukukura kwake aive “katsi” chaiyo pagedhi pakubata bhora mumutambo wenhabvu izvo zvakamuona achitambira zvikwata zvakawanda.

Aya mashoko anotaurwa naPunish Chinembiri, anove mukoma waKilimanjaro. Apo mhuri yeshasha iyi icharangarira zuva rekushaika kwake munguva inotevera musi wa15 Kukadzi, Kwayedza inodzora ndangariro dzeruzhinji pamusoro pemuchinda uyu.

“Kilimanjaro” akazvarwa musi wa1 Ndira mugore ra1958 kuMbare, muHarare, uye mukukura kwake anonzi aitamba nhabvu. Akatambira zvikwata zvinosanganisira Rusape Swallows, Tanganda neMutare United muPremier League. Sekutaura kwaPunish, vanhu vanongoziva “Kilimanjaro” ari shasha yetsiva asi vashoma vanoda kutaura ne- zvekutamba kwaakaita nhabvu kwemakore akawanda.

“Proud achikura aitamba nhabvu, ndiwo mutambo waaidisisa zvisingaite uye aive wepagedhi apo yaive katsi. Akatamba muPremier League kwemakore maviri ari kuMutare United. Asi akambotambira hake zvimwe zvikwata zvinoti Rusape Swallows neTanganda. Tsiva yakazotevera pashure,” anodaro Punish.

Asiya kutamba nhabvu, “Kilimanjaro” akange asisina zvimwe zvekuita panguva iyi sekutaura kwaPunish. Anoti vaigara vachinzwa nyaya dzekuti airwa kumabhawa achirova vanhu.

Punish anoti mumwe musi “Kilimanjaro” akarwa akarova mabhaunza erimwe bhawa muHarare apo iye aive aripo ndipo paakazokurukura naye achimukurudzira kuti atambe tsiva kana aine shungu dzekurwa chaizvo. Anoti akabva atanga kumurairidza mutambo uyu pamba sezvo iye Punish aive neruzivo rwetsiva iyo akambotamba akagumira panzira mushure mekunge vabereki vake vamurambidza.

“Taigara tichinzwa kuti Proud arwa, arova vanhu kumabhawa saka ndakazomuti shamwari tamba tsiva kana une shungu dzekurwa chaizvo nekuti ndaneta kuenda kumapurisa kunokubhadharira faindi nguva nenguva.

“Saka ndakatanga kumurairidza tsiva pamba kusvika tazomusanganisa naDave Wellings uyo aive negym yake kuHatfield anove akashanda naProud kusvika ave nemukurumbira ave kunzi Kilimanjaro,” anodaro Punish.

“Kilimanjaro” akatanga kukwikwidza apo akahwinha mutambo wake wekutanga nemimwe 25 yakatevera kusvika ave shasha yemuno neAfrica yese.

Mitambo yake yose yaakarwa inosvika 39, ndokuhwinha 32 akakundwa 6, akaita mangange mumwe chete uyewo pane mumwe waakarwa pakashaikwa akahwina asi pasina zvikonzero zvakanyatsoti tsvikiti zvakapihwa.

Punish anoti haakanganwe zuva iro “Kilimanjaro” akadashura Adama Mensah wekuGhana ndokuhwina bhande reAll-Africa Boxing Union Champion muna Gunyana 1982. Vaviri ava vakarwira kuRufaro Stadium apo nhandare iyi yaive yakazara nevanhu vanosvika 15 000.

“Izuva randisingakanganwe iro Proud akakunda Adama Mensah akahwina mukombe weAll-Africa Boxing Union Champion. Zvakaunza chiremerera kumhuri yedu kuti tave neshasha inoremekedzwa pasi rose. Zvinhu zvakandifadza ini, mhuri yedu uye nemhuri yese yeZimbabwe,” anodaro.

Anoti kutanga kutamba tsiva kwakaita “Kilimanjaro” kwakamushandura hupenyu hwake sezvo akatanga kuwirirana nevanhu vakawanda zvakaita kuti asiye kunwa doro nekuenda kumabhawa.

“Proud akange ave kuziva kuti zita rake rakura,  haachafanirwe kungoonekwa achiita zvese zvese saka akatosvika pakusiya kunwa doro uye akabva atovenga bhawa. Ndakazvifarira semukoma wake nekuti akaziva kuti ave nechiremerera muhupenyu hwake,” anodaro.

Punish anoti “Kilimanjaro” akakwanisa kutenga imba kuBulawayo nekuvandudza imba yevabereki vake ku- Mbare uko kunove kwaari kugara iye nemhuri yakewo. Puromota wetsiva, Clyde Musonda, anoti hazviite kuti pataurwe nezvetsiva yemuZimbabwe pasina kudoma zita raKilimanjaro.

“Kilimanjaro ndiye akavhurira mikana kwatiri isu tichikura uye ndiye akaita kuti vatambi vetsiva, kunyanya vamwe vakaita seni tifarire mutambo uyu. Ini hangu ndichiri kurangarira ndichienda kunoona “Kilimanjaro” achirwa muMbare umu ndakabva ndada tsiva. Pane paakakundwa naMax Chimwelo wekuZambia muno, asi Kilimanjaro akatsidza kuti haakundwe kaviri akaenda akanobika Chimwelo zvisati zvamboonekwa kumusha kwake kuZambia. Izvi ndizvo zvimwe zvezvandichiri kurangarira ndichikura ndichimuona achiita,” anodaro Musonda.

“Kilimanjaro” akashaya musi wa15 Kukadzi muna 1994 mushure mekurwara kwenguva yakareba uye akavigwa kumusha kwake kuBuhera.

Akasiya vanasikana vaviri, mumwe wacho mukuru akashaika kozoti akasara ari kugara kuAustralia nemhuri yake.

 

Share This:

Sponsored Links