Kimetto akazezesa pasi rose

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Kimetto akazezesa pasi rose

Kwayedza

SHASHA yemujaho wekumhanya, Dennis Kimetto, akaratidza kuti inyanzvi yemhando yepamusoro apo akapedza mujaho nenguva yemaawa maviri izvo zvisati zvamboitwa nevamwe pashasha dzepasi rose kumakwikwi emarathon akaitwa kuBerlin nguva yadarika.

Chizvarwa chekuKenya, Kimetto, akazezesa pane dzimwe shasha zvichitevera kupedza mujaho wemarathon pasi pemaawa 2:02:57 izvo zvainge zvisati zvamboitwa munhoroondo yemujaho uyu.

Shasha yekuKenya zvakare, Emmanuel Mutai, ndiye aifemera mugotsi make apo akapedza mujaho uyu nemaawa anokwana 2:03:13 uye zvakashamisa zvakare munhoroondo yemujaho uyu.

“Ndiri kunyumbwira nemufaro chokwadi, ndahwinha mujaho wakaoma zvikuru,” akadaro Kimetto.

“Ndaingonzwa zvakanaka kubvira pakutanga kwemakwikwi aya uye pandainge ndava kunopedza mujaho uyu ndaizvinzwa kuti simba ndinaro ndaikwanisa kuhwinha zvine mutsindo,” akadaro Kimetto.

Shasha yakamboshaina zvikuru nekuhwinha mujaho uyu ndiWilson Kipsang uyo akapedza nemaawa anokwana 2.03.23 panguva yake.

Kimetto akambohwinha mijaho yakadai semarathon yekuTokyo pamwe neChicago gore rakapera uye ainge avimbisa kudarika painge pasvikwa naKipsang achiti kana pakaita mukana aizoedza napose paanogona kuushandisa.

Zvakadaro, mamiriro ekunze akabvumira kuti Kimetto asanetseke pakumhanya uye akachengetedza zvaainge avimbisa, akashingirira kuramba ari pashasha dzainge dzakatungamira apo akazosiya vamwe vose vaimutevera achizoita nhamba 1.

Mutai, uyo akaita nhamba yechipiri, anoti ane chokwadi kuti mujaho uyu unokwanisa kupera nemaawa maviri bedzi.

“Zvandaona nhasi zvinoratidza kuti mujaho uyu uri kuratidza kuti unopedzwa nemaawa maviri bedzi kana nhasi zvisina kugoneka mangwana tarisirai kuwana shasha inopedza mujaho uyu pasi pemaawa maviri bedzi,” akadaro Mutai.

Scott Overall ndiye akaita zvirinani pashasha dzekuBritain apo akaita nhamba 14 uye akapedza mujaho uyu nemaawa 2:13:00.

Shelly Woods akahwinha mujaho wemadzimai weWomens Wheelchair Racing apo akatarisana nemakwikwi eNew York Marathon achaitwa muna Mbudzi gore rino. – BBC Sport

Share This:

Sponsored Links