Kiriniki ine musiyano muHre

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Kiriniki ine musiyano muHre Sekuru Elisha Mutanga vachiratidza kiriniki yavari kuvakisa. — Mifananidzo naNicholas Bakili

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUMUSHA weUshewokunze, muguta reHarare, muri kuvakwa kiriniki ine musiyano iyo ichange ichishandiswa mishonga yechiRungu pamwe chetewo neyechivanhu.

Kiriniki iyi iri kuvakiswa naSekuru Elisha Mutanga, avo vanova chiremba wechivanhu.

Sekuru Mutanga – avo vanova mukuru wechikamu chinoona nezvemishonga yechivanhu musangano reZinatha uyewo vari mukoti akadzidzira basa – vanoti vakaronga kuvaka kiriniki iyi nekuda kwekuti ibatsire vanhu vakasiyana.

“Ini sachiremba wechivanhu, zvakandibata ndiri kuhondo yeChimurenga uko ndaibatsira mukududzira zvichaitika, ndakadzoka muno ndikashanda semuuto ndokushanda muzvipatara zvemauto apo ndakazosiya ndave kubatsira vanhu. Ndakazoona kuti semunhu anova mukoti, regai ndivake kiriniki inobatsira kumativi ose aya iyo yandakatumidza kuti Sekuru Mutanga Clinic and Surgery,” vanodaro.

Vanoti kune vanhu vanouya kwavari vachiita zvekuhwanda-hwanda nekutya uyewo kunyara kunzi vari kuenda kunobatsirwa kun’anga.

Vanoti izvi zvave kuzoitwa pachena nekuvakwa kuri kuitwa kuriniki iyi sezvo pachange pachishandiswa mishonga yechizvino-zvino nemajekiseni.

“Kiriniki iyi ndinotarisira kuti itange kushanda gore rino kana zvinhu zvikafamba zvakanaka. Kudivi richange richirapwa nenzira dzeChiRungu, ndichatsvaga vamwe vakoti vakadzidzira basa.

“Kuchitiwo kudivi rechivanhu kune zvemashavi nezvimwe zvemidzimu, uko ndinoita ndoga ndichibatsirwa naMusikavanhu,” vanodaro.

Chikamu chekutanga chedzimba dzine mipanda misere dzekiriniki iyi dzave kutopera uye ichange iine dzimba 16 pamwe chete.

“Kuburikidza nekiriniki iyi, tinoda kuratidza vanhu kuti mapiritsi avanopihwa kuzvipatara kana kumakiriniki anosvinwa kubva mumiti yemisango nekumwe yogaiwa, yoiswa mumakasha emapiritsi,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Vanoshora vanhu vane pfungwa dzekuti mishonga yechivanhu yakaipa kana kuti ine chekuita nemweya yetsvina.

Zvichakadai, mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti vari kutsigira machiremba echivanhu akaita saSekuru Mutanga.

Share This:

Sponsored Links