Uncategorized

Kobo, munhu ndiye tasa!

19 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Kobo, munhu ndiye tasa! Mambo Nemangwe, VaMike Nemangwe,

Kwayedza

Gibson Mhaka

N’ANGA inoita zvehutsikamutanda inonzi yakafa iri pabasa apo yakarumwa nemukweshwa wenyoka iyo yakamukurira simba paainge achichenura mumwe musha uri mubhuku raMafuriranwa, kwaNemangwe, kuGokwe.

Kunyangwe zvazvo mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Ethel Mukwende, vari kutsinhira nyaya yekufa kwatsikamutanda Kudakwashe Mushonga mushure mekukoborwa nenyoka, havasi kukwanisa kutaura kuti pakazorumwa n’anga iyi, yaive pakati pekuchenura mumwe musha.

“Ndinotsinhira kuti tiri kuferefeta nyaya yemurume wekuGokwe uyo akafa mushure mekurumwa nenyoka,” vanodaro Insp. Mukwende.

Zviri kunzi Sabhuku Mafuriranwa vakashevedza Mushonga kuti azochenura musha wavo vachiti mhuri yavo yakange ichitambudzwa nezvinhu zvisinganzwisike. Zvinonzi tsikamutanda uyu asati atanga basa rake rekuchenura musha uyu, mumwe wemhuri iyi akatsanangura dambudziko ravakatarisana naro.

“Vemhuri iyi vakaburitsa pachena kuti pamusha uyu pane nyoka yemweya yakaipa iyo iri kukonzera nyonga-nyonga. Tsikamutanda uyu anonzi mushure mekunge apfeka gemenzi rake rebasa, akapinda muimwe imba yekurara umo akabvisa zvimwe zvinhu izvo akati waive mushonga unotambudza vemhuri iyi. Kwapera chinguva, tsikamutanda uyu akadzokera muimba yekurara iyi ndokubva abata nyoka yaive yakareba chipo chemita imwe chete iri pasi pemubhedha iyo akati ndiyo inotambudza mhuri iyi. Apo ainge akasimudza nyoka iyi, akabhidhirika-bhidhirika akaibata kusvikira iye aneta.

“Nyoka iyi yakabva yamuruma katatu paruoko nepamunwe mukuru. Mushure menguva shoma-shoma arumwa kudaro, tsikamutanda uyu akabva afenda,” anodaro mumwe wevagari vemunzvimbo iyi uyo akaona zvichiitika asi ndokukumbirisa kuti asadurwe zita rake nekutya.

Anoti pamusha uyu pakaita bararamhanya vanhu vachitiza apo tsikamutanda airwisana nemukweshwa wenyoka. Tsikamutanda uyu anonzi akafa achangopihwa mubhedha muchipatara cheGokwe District Hospital.

Mambo Nemangwe, VaMike Nemangwe, vanotsinhira nezvenyaya iyi.

“Ichi chiitiko chinosuwisa, nekudaro takatoshevedza sabhuku wenzvimbo ine musha waichenurwa uyu kudare redu kuti atitsanangurire chaizvo zvakaitika,” vanodaro Mambo Nemangwe.

Share This:

Sponsored Links