Uncategorized

Kodzero yevakaremara yekuita mhuri

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Isabel Palasida

NYAYA dzemhirizhonga dziri kuramba dzichitekeshera kuvanhukadzi uye dzinosanganisira kubatwa chibharo, kutukirirwa nezvinyadzi kana kubatwa muviri nenzira dzisina kukodzera nekupondwa.

Mhirizhonga kuvanhukadzi inosanganisirawo kurohwa, kushungurudzwa mupfungwa, kuteverwa zvisina tsarukano, kudhonzwa kana kuchekwa nhengo dzesikarudzi uye kuratidzwa mifananidzo kana mafirimu ezvinyadzi pakati pezvimwe.

Izvi zvinoratidza kuti mhirizhonga izwi rakakura zvikuru rinotaura zvinhu zvakawanda zvakaipa zvinoitirwa vanhukadzi, kunyanya zvichikanganisa raramo yavo.

Panoda kuitwa ongororo yekuona nyaya dzemhirizhonga idzi pamaitikiro adzo akasiyana. Somuenzaniso, utano hweveruzhinji hunotaurwa pamusoro pahwo nezvenyaya dzendufu kana kukuvara apo mitemo ine mamwe maonerowo ayo maringe nenyaya idzi, zvikuru pakusunga vapari vemhosva.

Nekuda kwekusiyana kwakaita zvinhu munzvimbo dzakasiyana, panoda kuitwa ongororo zvikuru kune zvimwe zvikamu zvisiri kunyanya kutariswa maringe nemhirizhonga zvinogona kunge zvisiri kuwanikwa mumitemo.Tichitarisa kuuya kwakaita mutemo weDomestic Violence Act, uyo unorwisa nyaya dzemhirizhonga kuvanhukadzi, vazhinji vakautambira zvakanyanya nekuti raive dambudziko guru raiwanikwa munharaunda dzavo.

Madzimai ndiwo ari kunyanya kushungurudzika uye vakaremara vanobva vasangana nematambudziko akapetwa.

Bumbiro remutemo wenyika rinotambira kuti vanhu vange vachiita mhuri dzavo uye mudzimba dzinenge dzakachengetedzeka.

Bumbiro remutemo rimwe chete iri harina rusarura kumadzimai akaremara apo rinotaura muSection 25 ne78 nezvekodzero yekuita mhuri kune vanhu vane makore 18 okuberekwa zvichienda mberi.

Madzimai akaremara neavo vanorwara nepfungwa kazhinji kacho havatorwi sevasati vabva zera nokudaro vanotorwa sevanhu vanokwanisa kuzvisarudzira nguva yekuita mhuri.

Munguva zhinji, vanotariswa sevanhu vanofanira kurongerwa upenyu hwavo nekuti vanenge vachionekwa sevasina kodzero yekuita zvepabonde zvinozoita kuti vagumisire vave kumbunyikidzwa nenzira yebonde nevanhu vane pfungwa dzakaipa. Vamwe vanotoendeswa kuti vanobaiwa majekiseni ekuti vasaite vana pasina ruzivo rwavo kunova kutyora kodzero dzavo.

Vane kodzero dzekuitawo mhuri sezvinongoitwa nemunhu wese uye kuti vange vachirarama upenyu hwakavanzika asi munguva zhinji vanotorwa sevanhu vasingazokwanisi kuchengeta mhuri dzavo.

Nyaya dzekubviswa pamuviri kumadzimai akaremara imhosva huru.

Ongororo yakaitwa nenyanzvi inoratidza kuti vabereki vanenge vachirwara nepfungwa vanorambidzwa kuona vana vavo apo vanogariswa kure navo asi maitiro aya kutyora kodzero dzavo.

Izvi zvinoreva kuti mwana anokundikana kuwana mukaka wemuzamu raamai vake kana kuva nesungawirirano navo zveupenyu hwese.

Vanhu vakaremara vanofanira kuwaniswa chengetedzo kubva kune nzira dzose dzine chekuita nekushungurudzwa kwavo.

Nokudaro zviri pachena kuti bumbiro remutemo rinopa kodzero kumunhu wese kuti ange achiva nemhuri yake nekubviswa kwemhosho dzose dzinodzivisa kuti madzimai akaremara awanikwe achiita mhuri dzavo.

 

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey