Kohwa pakuru nemadiridziro

07 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Kohwa pakuru nemadiridziro

Kwayedza

Buhle Nkomo —
“Ndinonzwa kufara nemichina yemadiridziro nekuti inoreva kuti unokwanisa kurima zvakawanda uchishandisa zvishoma, Madiridziro aya haadhure, anochengetedza mvura nefetereza uye unoshandisa simba shoma asi uchikohwa pakuru,” anodaro Shepard Goremusandu (49), anove murimi mudiki wefodya kuKaroi kudunhu reMashonaland West.

Goremusandu mumwe wevarimi vefodya vakawaniswa michina yemadiridziro yedrip irrigation kubva kukambani yeTobacco Industry and Marketing Board muna 2015.

Anoti madiridziro aya akanaka zvikuru mukuashandisa nekuti ari nyore uye mvura inoenda pane chirimwa zvinoita kuti ichengetedzeke.

“Ndisati ndave nemadiridziro aya, zvirimwa zvangu zvaiwana mvura kubva kune inenge yanaya, handaifara negoho rangu nekuti raive rakaderera iro raive pakati pe2 500 ne3 000 kgs pahekita. Sezvo ndiine chibhorani icho ndinowana mvura, ndakazoita kuti ndive nemadiridziro. Izvi zvakaita kuti ndikohwe 4 000 kgs pahekita uye fodya yangu yaive yemhando yepamusoro iyo yandakatengesawo nemari inofadza yaitangira pa$5.20 pakg apo yepasi yakatengwa ne$ 2.10 pakg,” anodaro.

Goremusandu anoti kushandisa madiridziro hakuna kungowedzera hunaku hwefodya yake chete asi kwakaita kuti akwanise kushandisa drip irrigation iyi kurima zvirimwa zvakasiyana.

“Sezvo drip irrigation ichiita kuti ndikwanise kuwana mvura zviri nyore kwegore rose, ndakarima hekita yematapiri (potaoes), cucumbers nematomatisi uye ndakatowana kwekuzvitengesera kunosanganisira kune vanoita zvekubika vemunharaunda, zvikoro zvebhodhingi pamwe nekune veruzhinji,” anodaro Goremusandu.

Anoti izvi zviri kumusimudzira zvikuru semurimi sezvo basa rake riri kuendeka uye anoda kuwedzera nzvimbo yaari kudiridza nedrip irrigation kuti isvike mahekita mashanu nekufamba kwenguva.

Goremusandu anoti madiridziro aya anobatsira pakuti murimi anokwanisa kurima fodya yake nguva ichiripo izvo zvakakosha zvikuru kuti azowane goho rakanaka.

“Mbesa dzakatosimwa kare izvo zvinoreva kuti madiridziro aya aita kuti nditange mwaka nenguva zvinove zvakanaka zvikuru nekuti kudyara nekukasika kunochengetedza mwando muvhu,” anodaro.

Goremusandu anoti kunze kwekurima fodya, anochengeta huku zvakare senzira yekuvandudza mabasa ake uye anorimawo zvimwe zvirimwa achizvisiyanisa mwaka kuitira kuchengetedza ivhu.

“Ndiri kuchengeta huku zvakare uye ndinotengesa dzinosvika 200 pasvondo kubhucha riri munharaunda yedu. Kunze kwekurima fodya, ndinorimawo chibage, soya bhinzi neshuga bhinzi nechinangwa chekuti ndizviwanire imwe mari pamwe nekuvandudza ivhu rangu kuburikidza nekurima zvirimwa zvakasiyana,” anodaro Goremusandu.

Anoti kunze kwekuve nemvura yekushandisa, murimi anofanira kunyatsoronga basa rake pamwe nekuve nepekupisira fodya pakanaka sezvo izvi zvakakosha kuti azove nechirimwa chinotengwa nemutengo wepamusoro kumisika.

“Kuronga, kuvandudza madhirihora pamwe nemadiridziro zvasimudzira kurima kwangu zvikuru. Kurima fodya ndiko kwakaita kuti ndichere chibhorani pamwe nekuve nemadiridziro. Ndakatotenga zvekushandisa pakurima zvemwaka unotevera, ndikatsvaga vashandi vemumunda uye ndikatengawo mombe,” anodaro.

Kuti murimi akwanise kuwaniswa madiridziro edrip irrigation kubva kuTIMB, anofanira kunge achizadzikisa zvinovetera:

— Anofanira kunge achirima fodya kwemakore anoverengeka zvinozivikanwa neTIMB.

— Anofanira kunge achiwana mvura yekushandisa pedyo nepaanorima pasingadarike mamita 500 kubva pamunda kana purazi rake.

— Mafomu ekunyorera kuti murimi awaniswe madiridziro aya anowanikwa kumahofisi eTIMB akatekeshera kumatunhu akasiyana. Mafomu aya anofanirwa kuzoendeswa kumahofisi aya zvakare aine maphotocopy echitupa, offer letter netsamba inobva kumurimisi weAgritex kana kambani inenge ichibatsira murimi nezvekushandisa.

 Kuti munzwe zvakawanda ridzai nhare kumahofisi eTIMB panhamba dzinoti 08677004624/6, 0772145166/9, 0279-22082/21982, 025-3439, 067-24268/29246, 0277-2700, 064-7280 ne0271-6772.

Munogona kutibata pamanhamba eToll Free zvakare anoti 08006003 / 0731999999 / 0712832804.

Kana padandemutande rinoti: [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey