Uncategorized

‘Koshesai mabasa emaoko’

08 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Daphne Machiri —
MAYOR veguta reHarare VaBernard Manyenyeni vanoti zvakakosha kuti zvikoro nemayunivhesiti zvisimbaradze zvidzidzo zvemabasa emaoko sezvo vamwe vana vachikwanisa kuwana raramo kubva mazviri mune remangwana.

Vakataura mashoko aya svondo rapera muHarare apo vaive muenzi anoremekedzwa pagungano rezviratidzwa zvemabasa emaoko evadzidzi veCreative Art and Design vepaChinhoyi University of Technology (CUT).

“Zvakakosha kuti zvikoro pamwe nemayunivhesiti vadzidzise mabasa emaoko sezvo vamwe vadzidzi vachikwanisa kuzowana raramo kubva mumabasa aya mune remangwana,” vanodaro.

Vanoti kune vabereki vanotarisira mabasa emaoko pasi akaita sekudhirohwa zvinhu zvakasiyana vasingazive kuti ari kutoraramisa vamwe vanhu.

“Munharaunda dzatigere, vamwe vabereki vanonyara zvakare havasati vave kuzvitambira kuti zvidzidzo zvakaita seCreative Arts Design neGraphics zvinopa chouviri uye kuti anotova mabasa anosimudzira upenyu hwevanhu pamwe chete neupfumi hwenyika,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Naizvozvo vabereki siyanai netsika yakare yekuti vana vanofanirwa kuita zvidzidzo zvakaita seAccounts neMedicine.

“Kwete, zvidzidzo zvemabasa emaoko tinozvida, zvinosimudza upfumi hwenyika nekushambadza maguta nemadhorobha edu.”

Mumwe wevadzidzi vepa chikoro chedzidzo yepamusoro ichi airatidzira mabasa ake pagungano iri, Tanyaradzwa Masendeke anoti ane chishuwo chekuti veruzhinji vatambire mabasa emaoko.

“Ndakazvarwa zviri mandiri zveArt, ndakaita chidzidzo ichi neshungu dzekuratidza vanhu tarenda rangu. Chidzidzo cheCreative Arts and Design chinotsanangura zvakaita senhoroondo kana zvinofungwa nemunhu, zvisingatsanangurike nemashoko asi kubudikidza mukudhirowa mifananidzo, zvivezwa pamwe nezvinyorwa,” anodaro Masendeke.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey