‘Koshesai tsika dzechivanhu’

26 May, 2017 - 00:05 0 Views
‘Koshesai tsika dzechivanhu’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
GURUKOTA rebazi rinoona nezvekusimudzirwa kwemaruwa nekuchengetedzwa kwetsika dzechivanhu – Cde Abedinico Ncube, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vachengetedze tsika nemagariro akanaka sezvo zviri izvo zvinoumba hunhu hunoyemurika.

Vakataura mashoko aya svondo rapera pakuparurwa kwechirongwa chekuratidzira tsika, mitambo nemagariro evanhu vatema cheCultural Week pachikoro cheNyava Secondary School kwaMusana, kuBindura.

Pachiitiko ichi, zvikoro zvepuraimari nesekondari zvakakwikwidza mumitambo yakasiyana yakadai seJerusarema Mbende, zvigure nenhetembo.

Pakavawo nekuratidzirwa kwemidziyo yechinyakare inosanganisira matemo, mapadza, makano, matende, hari nekudya kwakadai sesadza rezviyo, mutakura wenyimo, mufushwa, matamba nemanhanga.

Cde Ncube vanoti vanhu vanofanira kukoshesa chivanhu chavo nekuti ndicho chinoumba upenyu hwavo.

“Zimbabwe inodyidzana nedzimwe nyika dzakawanda nokudaro zvakakosha kuti nyika ino ive nechivanhu chayo chainokoshesa pane kuti titevedzere zvese zvinoitwa nedzimwe nyika zvinoita kuti tisava nechivanhu chedu pachedu. Madzishe mune basa guru rekuona kuti chivanhu chakachengetedzwa nekuti pane mikana mikuru yekuti chinogona kuparara zvachose,” vanodaro.

Cde Ncube vanoti mizinda inochengetedzwa midziyo ine chekuita nechivanhu yakadai seNational Archives, National Museum and Monuments nedzimwe nzvimbo dzinoyera dzinofanira kutsigirwa zvizere nekuti dzinobatsira mukuchegetedzwa kwechivanhu uye kuwaniswa kwemabasa kune veruzhinji zvichisimudzirawo upfumi hwenyika.

Vachitaurawo pachiitiko chimwe chete ichi, mukuru wemadzishe mudunhu reMashonaland Central, Senator Clemence Nembire, vanoti tsika dzevanhu vatema hadzifaniri kurasirwa kudurunhuru.

“Hatifaniri kurasira tsika dzedu kumarara kana kudzitsoropodza tichiti dzakasarira nekuti ndidzo dzinotiumba. Mitauro yedu yakadai seShona yakakosha pane kuti tikopere chirungu chatisingagonhi. Ndiko kusaka Hurumende ichiti muNew Curriculum kunyangwe musvomu muzvikoro achange achifundiswa nechiShona kuti zvive nyore kuvadzidzi. Tsika dzinobva pakupfeka, kudya nepakutaura uye kudada neganda redu dema. Ngatipfekeyi zvakatsiga kwete kufamba takashamira nyika uye kudya kwechivanhu kwakakosha nekuti kunopa hutano. Ngatiregerei kumirira kuudzwa nemadhokotera kuti tinofanira kudya sadza rezviyo kana mutakura kana tarwara,” vanodaro.

Muhurukuro neKwayedza, Sabhuku Nzvere Musana vanoti vana vanofanira kurayirwa maringe netsika nemagariro uye basa ravanatete nanasekuru rinofanira kusimbaradzwa.

Mumiriri weHarare East mudare reParamende revechidiki reJunior Parliament – Kundai Manyaya – akapembedza chirongwa ichi achiti zvakakosha kuti vana vafundiswe tsika nemagariro zvakanaka kuitira zvigokura zviri mavari.

“Chiitiko chanhasi chandifadza zvikuru nekuti tafunda kuti mitambo yedu yechinyakare inonakidza kupinda yechiRungu uye kuti zvisinei neruzivo rwechizvino-zvino rwuri kuuya zvakasimba, tsika nemagariro zvinofanira kuramba zvakagumbatirwa. Ndafara kuti vadzidzi vemuzvikoro ndivo vari kutungamirira zvirongwa izvi zvinoita kuti vechidiki vakure vachizviyemura,” anodaro.

Vamwe vaive pagungano iri vanosanganisira madzishe akabva kumatunhu akasiyana nevamwe vakuru-vakuru veHurumende.

Share This:

Sponsored Links