Kuba chibage kwakamuparira

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

MUKOMANA wechidiki wekuChitungwiza akadzidza kuti kuba hakuna chimuko apo akabatwa nemhosva yekuba chibage nefetereza nedare reChitungwiza Magistrates’ Courts.

Mutongi Lazarus Murendo akapa Munyaradzi Ngoma (23) wekuDunolly Farm, kuBeatrice, chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitatu ndokuzomubvisira mwedzi mumwe chete pachirango ichi nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yakadai mumakore mashanu ari kutevera.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa28 Zvita gore rapera, mumhan’ari Rosey Shayamano akange ari kuEdenberg Farm, kuBeatrice, munguva dzemangwanani pedyo nemusha wake apo akaona Ngoma akatakura 50 kg yachibage.

Akaedza kumutandanisa asi akakundikana kumubata zvikaita kuti amhan’are kumapurisa izvi zvakazoita kuti pawanikwe 50 kg yefetereza ne50 kg yechibage.

Ngoma akabvuma mhosva yake yekuba chibage nefetereza izvo zvaikosha US$57.

Share This:

Sponsored Links