Uncategorized

Kubatana kwakakosha: President

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

MUTUNGAMIRIRI wenyika neHurumende, President Mugabe, nemusi weChipiri svondo rino vakakurudzira runyararo pamwe nekubatana munyika uye kugadzirisa zvimhingamipinyi munyaya dzeupfumi izvo zvakatarisana neZimbabwe.

President Mugabe vakataura mashoko aya pavaiparura zviri pamutemo dare reParamende rechikamu cheSecond Session of the Eighth Parliment of Zimbabwe.

Vakati zvakakosha kuti nhengo dzedare iri dzinzwe mutoro wekuzadzisa zvishuwo zveveruzhinji.

“Apo tiri kuenderera mberi senyika, ngatirambei takabatana muchido chedu chekuvaka hwaro hwerunyararo urwo rwunoita kuti pave nekubudirira kwenyika,” vakadaro President Mugabe.

Vakati kubudirira kwechirongwa chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset, kunobva pakuwanikwa kwemagetsi kuzvikamu zvose zveupfumi.

Nekudaro vakati pane matanho ari kutorwa kuvandudza kuwanikwa kwemagetsi aya, kusanganisira Kariba South Expansion Project, ZPC Sinohydro Hwange Thermal Power Units 7 and 8 Project nemamwe ayo kana achinge apedzwa achaita kuti pave nesimba remagetsi rinokwana 5 000 megawatts panosvika gore ra2020.

President Mugabe vakati vanoona nezvemamiriro ekunze vanoti mvura inotarisirwa kunaya zvakanaka mwaka weZhizha uri kutevera izvo zvichabatsirawo mukuvandudza upfumi hwenyika.

Vakatizve zvakakosha kuti fetereza, mvura nemagetsi zviwanikwe nemitengo yakaringana kuitira kuti pasave nematambudziko mukusimudzira mabasa ekurima.

President Mugabe vakati zvinoshungurudza kuona kuti kune vamwe vanhu vari kususukidzwa munyaya dzeupfumi nezvizvarwa zvedzimwe nyika vachiita sekunge ndivo varidzi vemakambani asi zvisiri izvo.

Maitiro akadai aya, vakadaro, ari kudzosera shure zvikuru chirongwa chekupa masimba eupfumi kune veruzhinji.

Vakati panoda kutorwa matanho akasimba ekupedza huny’any’a uhu kuburikidza nekushandiswa zvakazara kwemutemo weEconomic Empowerment Act.

President Mugabe vakaenderera mberi vachiti chikamu chezvekushanyirwa munyika chiri kusimukira zvikuru izvo zvaona vashanyi vakawanda vachibva kunyika dzakaita seBrazil, Russia, India neChina. Zvisinei, vakati kusamira zvakanaka kwemimwe migwagwa mikuru yenyika kwagara kuchidzorera budiriro kumashure.

President Mugabe vakati vari kufara nekuvandudzwa kuri kuitwa mimwe migwagwa yakaita sePlumtree-Harare-Mutare Highway neunobva kuHarare International Airport uchipinda muguta guru reHarare.

Vakati Hurumende inokoshesa kuti vachidiki vasimukire munyaya dzeupfumi nekuti ndivo vatungamiriri vemangwana nekudaro pachave nezvikamu zvekusimudzira vechidiki mumapazi ose eHurumende.

“Zvichienderana nekuwanikwa kwemari nezvimwe zvekushandisa, district imwe neimwe ichave nechikoro chekudzidzisa vechidiki mabasa emawoko,” vakadaro President Mugabe.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>