Kubatsira kune pundutso muchirongwa chemipa

25 May, 2018 - 00:05 0 Views
Kubatsira kune pundutso muchirongwa chemipa Mamwe emabhindauko ari kuitwa nevanhu vari kurarama neutachiona hweHIV kumativi mana enyika yeZimbabwe.

Kwayedza

Nhoroondo
SANGANO reNational AIDS Council (NAC) kubvira makore adarika ragara richishoropodza nyaya dzerusarura kune vanorarama neHIV nechikonzero chekuti izvi zvinokanganisa zvikuru kurwiswa kwekupararira kwedenda iri.

Vanhu vose vakakosha munyika zvisinei nemamiriro avo maringe neHV neAIDS.

NAC ine chirongwa chekubatsira muhupenyu hwevanhu vanorarama neHIV chinozivikanwa nekunzi Meaningful Involvement of People living with HIV and AIDS (MIPA).

Svondo rino, tiri kukupai ruzivo pamusoro pechirongwa ichi icho chinogona kubatsira hama yako, shamwari kana muvakidzani wako.

Matangiro eGIPA/MIPA

Chirongwa ichi chakatanga mugore ra1983, apo vanorwirwa kodzero dzevanhu vanorarama neutachiona hweHIV vakarambidzwa kupinda mumusangano waive pamusoro pezveutano waiitwa kuDenver, kuUSA muna 1983, ndipo pakazoziviswa zvinotarisirwa maringe nekodzero pamwe nekusimudzirwa kwevanhu vanorarama neHIV. Izvi zvakazotumidzwa kuti “Denver Principles” uye zvinosanganisira zvinotevera:

lkusapihwa mhosva nekuda kwekuti munhu ane utachiona hweHIV uye zvakawanda zvorega kutaurwa pamusoro pemararamiro ake.

lchikumbiro cherutsigirwo kubva kuvanhu vose.

lchikumbiro chekuti pasave nerusarura.

lkodzero yakazara yehupenyu hwepabonde hunogutsa.

lkuwaniswa kweutano, kurapwa nezvimwe zvinodiwa zvemhando yepamusoro.

lkodzero yekuchengetedzwa pamusoro pemagwaro ehurwere

lkodzero yehupenyu pamwe nekufa zvine mutsigo

 

Zvakadai, muna 1994, pamusangano weParis AIDS Conference, ndipo patanga zita rekuti GIPA iyo yaive nechekuita nezvezvirongwa zvekusimudzira vanorarama neutachiona hweHIV. Chibvumirano ichi cheParis Declaration chakasainwa nenyika 42, kusanganisira Zimbabwe.

Zviri pamusoro peMIPA

Muna 2004, vanorwira kodzero dzevanhu vanorarama neHIV vekudunhu reAsia-Pacific avo vaive pamusangano weXV World AIDS Conference, vakati paifanira kuve nekuvandudzwa kwechirongwa ichi kubva kuGIPA kuenda kuMIPA, paine kusimbaradzwa kwekusimudzira raramo yevane HIV.

MIPA hachisi chirongwa chakazvimirira asi kuti chinosanganisira zvirongwa zvose zvine chekuita neHIV neAids.

Kukosha kweMIPA:

Zvakakosha kuti vanhu vanorarama neHIV vapinde muzvirongwa zvine chekuita navo nekuda kwekuti:

lZvinosimbaradza kudzivirirwa nekusimudzirwa kwekodzero dzevanorarama neHIV kuti vange vakasununguka, pasina rusarura panyaya dzebudiriro.

lVanorarama neutachiona vanokwanisa kushandisa ruzivo rwavanenge vakawana mukusimudzira zvirongwa izvi.

lZvinoderedza nyaya dzekusarura kune vanorarama neHIV neAIDS.

lVanhu vanorarama neHIV vanokwanisa kubatsirana pamwe nekusimudzirana.

Zvinangwa zvechirongwa:

Kuti pave nebudiriro, kufambiswa kwebasa pamwe nekuita ongororo yezvirongwa izvi kuti zviri kubatsira vanorarama neHIV neAIDS here.

l kukurudzira vanhu vemunharaunda kuti vagamuchire vanorarama neHIV.

lkodzero dzevanhu vanorarama neHIV dzinofanirwa kuchengetedzwa nekusimudzirwa.

lkusimbaradzwa kwezvirongwa zvinobatsira vanorarama neHIV pamwe nekuona kuti vawaniswa zvavanoda muraramo yavo yemazuva ose.

lkukurudzira kurarama kune utano kunosanganisira kuwaniswa kudya kwakaringana, kuita mitambo yekusimbisa miviri nekuwana rutsigirwo kubva kumhuri nemunharaunda.

Zvinoitwa nevanorarama neHIV:

Vanhu vanorarama neHIV neAIDS vanofanirwa kupinda muzvirongwa zvine chekuita navo. Pane nzira dzakasiyana idzo vanokwanisa kupinda muzvirongwa izvi dzinosanganisira kuzvipira kuita basa rinenge riripo (volunteers), kuve vatauriri vezvirongwa zvakasiyana kana kuti vabatsiri.

Zvinotariswa neMIPA:

1. Kumiririrwa nekuwana chekuita

Izvi zvinosanganisira kuwana zvekuita kune vanorarama neHIV muzvirongwa zvine chekuita navo kubvira pakuronga, kufambiswa kwebasa pamwe nekuitwa kweongororo. Vanofanirwa kuve nevamiriri mumapoka akasiyana akadai seWard AIDS Action Committees (WAAC), District AIDS Action Committees (DAAC), Provincial AIDS Action Committees (PAAC) nemubhodhi reNAC.

2. Kurarama kune mutsigo pahutano pamwe nekusimudzirwa kwevanhu vanorarama neHIV mukuwaniswa zvirongwa zvedziviriro pasina dambudziko.

Pasi pebandiko iri, chinangwa ndechekuona kuti vanorarama neHIV vapinda muzvirongwa zvekudzivirira kupararira kweHIV neAIDs nekukusha mashoko kuburikidza nekuve nezvinzvimbo zvakadai sebehaviour change educators. Izvi zvinokwaniswa kuitwa kuburikidza nezvinotevera:

lkuenzaniswa kwemikana

lkucherechedzwa kwekodzero dzevanhu

lkudzivirira kunyukwa kweutachiona hutsva

lkusimudzirwa kweutano hwesikarudzi pamwe nekodzero

lkutsigirwa mumagariro pamwe nenyaya dzeupfumi

lkuongorora kana chirongwa chiri kuitwa chiine pundutso.

Kurapa nekuchengetwa:

Kuwedzera kuwaniswa kwenyaya dzeutano kuvanhu vanorarama neHIV pamwe nekurapwa.

Vanhu vanorarama neHIV vane chikamu chavari kuita panyaya yekufambiswa kwemashoko ari pamusoro pekudzivirira kutapurirwa kweHIV, kukosha kwekuti munhu aizive paamire pamwe nekunwa maARV kune avo vanenge vari HIV positive.

Chikafu chine utano:

Kuwedzerwa kweruzivo rwechikafu chinovaka muviri kune vari kurarama neHIV pamwe nekuti vange vachiwana rutsigiro rwakazara.

Chinangwa ndechekuti vanorarama neHIV pamwe nemhuri dzavo nenharaunda vange vachikwanisa kuita mabhindauko anosimudzira raramo yavo.

Kubva kumabhindauko aya, nhengo dzinowana chikafu chadzinokurudzirwa kudya uye pamusoro pezvo vachitengesa nekuzviwanira mari zvakare.

Kurwisa nyaya dzerusarura kune vanorarama neHIV:

Kudzikisa nyaya dzerusarura kune vane HIV kuburikidza nekuti vanhu vabude pachena maringe nepavamire.

Rutsigirwo rwemupfungwa:

Kupinda kwevanhu vanorarama neHIV muzvirongwa zvekupanana mazano pamwe nemhuri dzavo nekuwanisana ruzivo pamwe nekusimbisa mapoka avo.

Ongororwai ropa uye zivai pamumire maringe neHIV!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>