Kubayana zvaita sei?

13 Mar, 2015 - 13:03 0 Views

Kwayedza

MAKOROKOTO kumadzimai navanasikana pasi rose vakapembera nokucherechedza zuva reInternational Women’s Day musi wa8 Kurume. Nyika dzakawanda pasi rese dzinocherechedza nokukoshesa zuva iri.

Vakambove mutungamiri wenyika yeChina, muchakabvu VaMao Zedong, vakati pachiRungu, “Women hold up half the sky.” Tikaziva denga nokukura kwarakaita nezviri mariri, tozonzwa kuti vanhukadzi vakabata chidimbu chedenga, toziva kuti vanhu vakatakura mukwende chaiwo: mavhu nemarara.

Ndosaka zvichinge nyore kumadzimai kuti vanotsiga mukwende, mwana kumusana, mumwe akabatwa muruoko, rumwe ruwoko rwakatakura zvimwe. Mucherechedzo wokuti madzimai anokwanisa kubata mabasa akasiyana-siyana panguva imwe chete, zvichiendeka. Zviri mavari kuita ichi nechocho panguva imwe chete, kunyange pfungwa dzavo chaidzo.

Musi wa8 Kurume izuvawo rinopa vanhukadzi mukana wokuungana votura befu, vachizvipembedza nokuronda tsoka dzavafamba, kunyanya panyaya dzokurwira kodzero dzavo mumabasa nomudzimba.

Vanhurume vanobatanawo navo nokuti izuva rakakosha. Hapana asina kubva kuna amai.

Gore rino, mudzimai wemutungamiri wenyika Dr Grace Mugabe ndivo vakange vari munyarikani pamhemberero dzakaitirwa madzimai muHarare. Vakapakura mashoko saamai venyika, uyewo sasachigaro mutsva wesangano remadzimai mubato riri kutonga reZanu-PF. Vaive nekurudziro yokuti madzimai ngaave nemweya wokuti vanokwanisa kubatawo mabasa apamusoro-soro mubazi ripi zvaro, muHurumende kana kunze. Mhemberero dzegore rino dzakakosherawo madzimai nokuti mumwedzi waSeptember, kunenge kuchicherechedzwa makore makumi maviri mushure momusangano wakaitirwa kuguta reBeijing, kuChina muna September 1995.

Musangano uyu waive wechina, madzimai epasi rose achiungana kuumba ramangwana rakanakira munhukadzi navanasikana. Ndiwo musangano wakabuda nechisungo chinonzi “Beijing Declaration and Platform for Action”.

Ndipowo pakazotangawo nyaya ye“Bhezhin’i”, vamwe vanhu vave kufunga kuti madzimai ave kuda kutonga varume kumabasa nekumba.

Mushure memusangano uyu, madzimai akaramba kudzokera shure nokuti “Women hold up half the sky.”

Takaona kuti nyika zhinji, kusanganisira Zimbabwe, dzakatora matanho okuti madzimai asimudzimurwe mumabasa, uyewo kuti vavewo vane chokuita nokufambiswa kwezvinhu munyika. Mushure memusangano wokuBeijing, nyika dzakati kuti dzakatanga kusarudza vatungamiri vechidzimai. Kunyange vachiri vashoma, asi kwakabviwa ndokwave kure.

Imwe nyaya inorwiswa namadzimai, inyaya dzemhirizhonga mudzimba. Zvinoratidza nzwisiso panyaya iyi ndezvokuti mumugwagwa unobva Harare uchienda kuMasvingo pane zichikwangwari rine mufananidzo wamadzishe maviri kusanganisira Mambo Fortune Charumbira vakamira panze pedare reParamende vachitsidza kuti:

“Mhirizhonga mudzimba haisi tsika yedu.”

Ko zvino, yokubaya varume namapanga iri kubva kupiko nhai madzimai? Ave makurutose nevarume here?

Mapanga ave kubaiswa varume kunge zvinonzi madzimai vave vana “skuz apo” zvauya sei? Musi wa26 Kukadzi, mudzimai ane makore 36 akabaya-baya murume wake akafa kuChitungwiza. Ave muchitokisi, vana vasara dzave nherera. Musi woMuvhuro, muimbi wokuSouth Africa aizivikanwa zvikuru anonzi Nkululeko “Flabba” Habedi akabaiwa nebanga nemusikana wake akafa?

Kana makambokwanisa kuita hurukuro kubva kuBeojing, chii chazonyanyonetsa chaita kuti mungoona zviri nyore kutora upenyu hwomunhu kudaro? Pamusana pokuti mutongo wokutongerwa rufu unonzi ngaubve here?

Hatingafariri zuva ramadzimai, mamwe madzimai aine misodzi pamatama. Tinozviziva kuti madzimai mazhinji anoitwa zvinorova, asi kutsiva hakupedzi nyaya. Kana mave kuperera kumajeri, zvobatsirei?

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>