Kwayedza
Kenneth Chikeya
Zvinodiwa:
Chikari, poto kana pani
Nyama yemombe yebandauko
Hanyanisi, matomatisi
Mafuta, Munyu,
Mabikiro:
Cheka nyama muzvidimbu zvakaenzana, suka matomatisi nehanyanisi wocheka kuita zvidimbu zvidiki.
Gadza chikari, poto kana pani pamoto woisa nyama yose imomo nemvura makomichi maviri.
Kwidibira zvombokwata kusvikira mvura yapera woisa mafuta zvipunu zviviri.
Ramba uchikanga kusvikira nyama yatsvukira, isa hanyanisi nematomatisi woramba uchipfuurira mberi nekukanga.
Kana zvave kubata maziso, isa mvura shoma yokutsvaga muto chete woisa munyu mushoma woraidza usavi uhu hwemhando yepamusoro-soro.
Munogona kudya nemupunga, manhuchu kana nesadza remhando yamunofarira.