Kubika gwatakwata

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Kubika gwatakwata

Kwayedza

GWATAKWATA kana kuti dakataka – unova usavi hunobikwa nedovi chete – chikafu chinokurudzirwa sezvo chiine kudya kunokoshera muviri semapuroteni.

Kudya kwemhando iyi kwakabvira pasichigare kuchifarirwa nevanhu uye nanhasi kunongokurudzirwa.

Svondo rino Mai Svodai Nyajena vekuMasvingo vanotitsanangurira mabikirwo egwatakwata.

Zvinodiwa:

Chikari kana poto, mvura, dovi, munyu nemugoti.

Mabikiro:

Isa dovi muchikari kana mupoto yakachena, wokanda munyu wakaringana.

Dira komichi yemvura wokurungira dovi nemugoti.

Gadza pamoto urambe uchikurungira kusvika raibva.

Kana raibva, rinoonekwa nekutsvukirira uye rinofanira kusara rakaita kunge bota.

Wozodii?

Gwatakwata rinogona kudyiwa nesadza jena, rezviyo kana remhunga.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links