Kubika kahuku kechivanhu

26 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Kubika kahuku kechivanhu Kahuku kechivanhu kane munakiro wako

Kwayedza

Zvinodiwa kushandisa:
Chikari, poto kana pani
Mugoti, chipunu, banga
Kahuku kechivanhu
Hanyanisi (imwe chete)
Matomatisi (mana)
Munyu

Mabikiro:
Cheka huku muzvidimbu zvakaenzana wosuka matomatisi, hanyanisi wocheka muzvidimu zvidiki-diki.

Gadza chikari, poto kana pani pamoto woisa mafuta uye kana apisa tora nyama yese woisa imomo.

Chikanga kwemaminitsi makumi maviri woisa hanyanisi, matomatisi woramba uchikanga kusvikira zvanyatsotsvukira.

Isa mvura komichi imwe chete wokwidibira zvombokwata kweawa uchipindura-pindura kuti zvisatsva.

Isa munyu mushoma woraidza kuti zvaringana here wobura usavi hwako.

Munogona kudya nesadza rechibage, rezviyo kana remhunga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>