Kubika mabhonzo enguruve akasanganiswa nemuriwo wemashizha

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Kubika mabhonzo enguruve akasanganiswa  nemuriwo wemashizha

Kwayedza

Kenneth Chikeya
Zvinodiwa kushandisa:
Chikari, poto kana pani
Mugoti, chipunu
Banga
Mabhonzo enguruve ane nyama
Hanyanisi, matomatisi
Munyu, mafuta
Mvura

Mabikiro:
Gadza pani, poto kana chikari pamoto woisa mafuta mashoma uye kana apisa tora nyama woisa imomo.

Ramba uchikanga kwemaminitsi gumi nemashanu kusvika nyama yako yatsvukira zvinoyevedza. Chiisa matomatisi nehanyanisi zvakachekwa muzvidimbu zvidiki, woisa mvura komichi imwe chete.

Isa munyu mushoma wokwidibira zvombokwata kwemaminitsi makumi matatu uchipindura-pindura kuti zvisatsve. Raidza wobura usavi hwako.

Munogona kudya nemhando yesadza yamunoda

Share This:

Sponsored Links