Kubika machipisi nesoseji

08 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Kubika machipisi nesoseji

Kwayedza

MACHIPISI ane soseji anonaka zvikuru kana achinge abikwa zvine unyanzvi uye kudya kwemazera ose. Svondo rino VaMasimba Chekero vekuZaka vanotsanangura mabikirwo emachipisi ane soseji.

Zvinodiwa:
Mbatatisi, matomatisi, hanyanisi, soseji, munyu, mafuta, chip spice.

Mabikiro:
Menya mbatatisi wodzigeza. Dzicheke-cheke muzvidimbu zvidiki wodzipukuta kubvisa mvura.
Isa mafuta akati wandei mupoto wokanda mbatatisi imomo.
Kana machipisi aibva anoonekwa nekutsvukirira.
Machipisi anofanira kubviswa mupoto achiri kupisa kuitira kuti asanwe mafuta.
Chitora soseji urikange asi uchicheka-cheka kuti riibve zvose nemukati.

Wozodii?
Gadzira salad yematomatisi, magaka nehanyanisi parutivi.
Mwaya chip spice pamachipisi wobva wazoabura. Kana wadai, chibura unakirwe nemhuri!

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links