Kubika nyama yehwai zvakavandudzwa

07 Aug, 2014 - 14:08 0 Views
Kubika nyama yehwai zvakavandudzwa Munogona kudya nyama iyi nesadza rezviyo kana rechibage

Kwayedza

Munogona kudya nyama iyi nesadza rezviyo kana rechibage

Munogona kudya nyama iyi nesadza rezviyo kana rechibage

Kenneth Chikeya
Zvinodiwa kushandisa:
Chikari, poto kana pani
Mugoti, Chipunu
Banga, nyama yehwai
Matomatisi matatu
Hanyanisi imwe chete
Munyu
Mabikiro:
Tora nyama yehwai wocheka muzvidimbu zvakanaka, suka matomatisi nehanyanisi wocheka zvakaenzana.  Gadza chikari kana poto pamoto woisa mafuta uye kana apisa tora nyama yose woisa imomo. Chikanga kwemaminitsi makumi maviri, isa hanyanisi nematomatisi woramba uchikanga kusvikira zvatsvukirira. Isa munyu mushoma nemvura shoma yekutsvaka muto, kwidibira zvombokwata kweawa imwe chete uchipindura-pindura kuti zvisatsve.

Raidza kuti zvaringana here wobura. Munogona kudya nesadza rezviyo, rechibage kana remhunga.
Uku kudya kwechivanhu kunokurudzirwa nekuti kunochengetedza hutano.

Share This:

Sponsored Links