Kubika nyama yemusoro wemombe ine dovi

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views
Kubika nyama yemusoro wemombe ine dovi

Kwayedza

Kenneth Chikeya
Zvinodiwa kushandisa:
Chikari,
poto
Mugoti,
chipunu
Banga
Nyama yemusoro wemombe yakaomeswa
Dovi,
munyu
Mvura

Mabikiro:
Gadza chikari kana poto pamoto woisa mvura makomichi mana uye kana zvava kufashaira tora nyama yese woisa imomo.
Kwidibira zvombokwata kwemaawa maviri uchipindura-pindura nekupamhidzira mvura kana yava kupera nguva yakatarwa isati yakwana.
Isa dovi zvipunu zvitatu wokurunga nemugoti kusvikira zvava kukwata segwata-kwata.
Chiisa munyu mushoma woraidza kuti zvaringana here wobura usavi hwako.
Munogona kudya nesadza remhando yamunoda uye kudya uku kunochengetedza hutano.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey