Kubika nyama yetsuro yakasasikwa ine dovi

24 Jul, 2014 - 09:07 0 Views
Kubika nyama yetsuro yakasasikwa ine dovi

Kwayedza

Kenneth Chikeya
Zvinodiwa kushandisa:
Nyama yetsuro yakasasikwa
Chikari, poto kana pani
Mugoti, chipunu
Matomatisi maviri
Masharotsi rwudzi rwehanyanisi dzemhando yepamusoro
Dovi zvipunu zviviri
Mvura yekutembenudza

Mabikiro:
Cheka nyama muzvidimbu zvakaenzana wosuka matomatisi, masharotsi wocheka muzvidimbu zvidiki.
Gadza chikari, poto kana pani pamoto woisa mvura
uye kana yafashaira suka nyama imwe neimwe
uchiisa imomo wotora matomatisi nemasharotsi woisa, chikwidibira zvombokwata kweawa imwechete. Isa dovi nemunyu mushoma nekuti ukawandisa unokanganisa usavi. Raidza kuti zvaringana here wobura usavi hwako.
Munogona kudya nesadza remhando yamunoda kana manhuchu uye uku kudya kunokurudzirwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey